Accessibility links

Breaking News

Buy Zimbabwe Yokurudzira Vanhu Kutenga Zvinogadzirwa muNyika


Panguva yezororo reKisimisi negore idzva munyika munopindazvinhu zvakawanda zvakasiyana siyana zvinotengwa kubva kunze.

Sangano reBuy Zimbabwe rinoti nyika inrasikirwa nemari yekunze yakawanda uye maindasitiri emuno anotadza kusimukira nekuda kwekutengwa kubva kunze kwenyika kwezvinhu zvinogona kugadzirwa muno.

Nekudaro sangano iri riri kukurudzira kuti veruzhinji vafarire kutenga zvinhu zvinogadzirwa munyika

Mukuru wesangano reBuy Zimbabwe VaAlois Burutsa vanoti zvakakoshera nyika kuti veruzhinji vatenge zvinhu zvinogadzirwa munyika kuitira kubatsira kuchengetedza mari yekunze iyo inogona kushandiswa pakutenga zvimwe zvakaksoha zvisingagadzirwe muno zvakadai semichina.

VaBurutsa vaudza Studio 7 kuti kubvira zvakatanga sangano ravo muna2011 vanofara kuti chinangwa chavo chabatsira kusimudzira kutengwa kwezvigadzirwa zvemuno munyika.



Zimbabwe inoshandisa mari yakawanda gore rega rega mukutenga zvinhu kubva kunze kwenyika. Gore rakapera nyika yakashandisa mabhiriyoni manomwe nemamiriyoni mazana matanhatu kana kuti 7.6 billion zvichienzaniswa ne4.6 billion yakashandiswa muna2020.

Zvimwe zvezvinhu zvinonyanya kutengwa kunze zvinosanganisira mafuta edzimotokari, mafetireza, nemichina asi pane zvimwewo zvakawanda zvinogadzirwa muno zvinobvawo kunze.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries VaKurai Matsheza vatsinhirawo kuti zvakakosha kuti veruzhinji vafarire kutenga zvinhu zvinogadzirwa muno vachiti izvi zvinobatsirawo kuti munyika muve nemabasa.

CZI inoti pari zvino maindasitiri emunyika ari kushanda zvinosvika pazvikamu makumi manomwe kubva muzana uye kushomeka kwemagetsi nderimwe dambudziko guru rinoita kuti asashanda nemazvo.

VaBurutsa vanopokana nemaonero ekuti zvnhu zvakawanda zvinogadzirwa munyika zvinodhura uye hazvinyatsogadzirwa nemhando yepamusoro sezvinoita zvinobva kunze.

VaFelix Chari, mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro panyaya yezvehupfumi vanoti vanobvumirana nemaonero ekuti zvinhu zvakawanda zvinogadzirwa munyika zvinodhura vachiti izvi zvinoitika nekuda kwezvikonzero zvakawanda.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vaachishanda nesangano relabour and Economic Developmemt Research Institute of Zimbabwe Dr Prosper Chitambara vatiwo chirongwa cheBuy Zimbabwe chakanaka asi zvimwe zvinogadzirwa zvinozodhura sezvo kugadzira zvinhu munyika kuchidhura.


Vachitaura pakuparurwa kwevhiki rekukurudzira kutengwa kwezvinhu zvinogadzirwa muno muHarare nezuro, mutungamirir wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati hurumende inotsigira chirongwa ichi nekuti chinobatsira kudzivirira kuunzwa munyika kwezvinhu zvinogadzirwa kunze
zvinenge zvine mutengo wakadereresa izvo vakati zvinokanganisa budiriro yenyika.

Zvitoro zvikuru zvinosanganisira OK Zimbabwe zvirimowo muchirongwa cheBuy Zimbabwe ichi. Zimbabwe inonyanya kutenga nekutengesearana neSouth Africa, China, United Araba Emirates, Singapore, United Kingdom neRussia.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzedzvehupfumi dzinoti VaMnangagwa vanotaura zvinhu zvisiri kuitwa nehurumende.

Semuenzaniso, mushure mekunge zvigadziraw zvemunyika zvawedzerwa mutengo nekuda kwekushaya simba kwedhora remunyika, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakabva vabvumidza vezvitoro kutenga zvinhu kunze pasina kubhadhara mitero.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG