Accessibility links

Breaking News

Kumbunyikidzwa kweVanasikana Vasati Vabva Zera Koshorwa neVemasangano Anoshanda neVanasikana


Amai Erkenia Chifamba mutungamiri wesangano reShamwari yeMwanasikana
Amai Erkenia Chifamba mutungamiri wesangano reShamwari yeMwanasikana

Mutungamiri wesangano reShamwari yeMwanasikana, rinochengetedza kodzero dzemadzimai nevanasikana, Amai Erkenia Chifamba, vanoti vari kushungurudzwa zvikuru nehuwandu hwevana vari kushungurudzwa zvepabonde uye kumitiswa kwevanasikana vasati vabva zera nehama.

Vanoti imwe yenyaya idzi ndeyemwanasikana ane makore mapfumbamwe (9), uyo anonzi akabatwa chibharo nevamwe vakomana vaviri kuBindura,

Nyaya iyi yakabuda mumapepanhau, uye mapurisa anoti akatosunga vakomana vaviri vakabata mwana uyu chibharo nekumupa pamuviri.

Amai Chifamba vanoti vari kushungurudzwa zvakare neimwe nyaya yemwanasikana wekuBulawayo ane makore mapfumbamwe zvakare akasununguka mwanasikana mushure mekubhinywa nehama.

Vanoti hurumende inofanirwa kusunga nekupa mitongo yakaomarara kune vose avo vanenge vabatwa vachiita izvi.

Mune imwe nyaya, mumwe musikana ane makore masere anonzi akaudza dare kuMacheke kuti akabhinywa nababa vake, hanzvadzi yake, hama pamwe nemuvakidzani wake.

Musikana uyu anonzi akaudza amai vake nezvedambudziko rake asi amai vake havana kumubatsira.

Dare rekuMacheke rakanzwawo kuti amai vemusikana uyu vakambunyikadzawo mwanakomana wavo ane makore gumi nerimwe chete.

Mukomana uyu ihanzvadzi yemusikana waakabhinya pamwe chete nababa vake, muvakidzani pamwe nemumwe wehukama.

Mapurisa anoti akasunga vose vakapara mhosva idzi, panguva iyo masangano anomirira kodzero dzevanhu achiti ari kushungurudzwa zvikuru kuti vanasikana vasati vabva zera vari kumanikidzwa kuita zvepabonde, mune dzimwe nguva vachibata pamuviri.

Pane mumwe mwanasikana ane makore gumi nemanomwe akafa mushure mekusununguka mapatya.

Amai Chifamba vanoti nyaya dzese idzi dziri kuvashungurudza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG