Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakagariswa Patsva kuMapurazi eMashonaland West Vochemachema neNzvimbo dzeKuvhotera Dzavanoti Dziri Kure


Mahofisi eZEC mudunhu reMashonaland West

Vamwe vavhoti vanogara mumapurazi makuru kana kuti A2 Farms mudunhu reMashonaland West vari kuchema chema kuti nzvimbo dzekunovhotera mudunhu mavo dziri kure zvakanyanya nekwavanogara.

Varidzi vemapurazi nevashandi vemumapurazi makuru aya, mudunhu iri, zvikuru munzvimbo dzinoti Hurungwe, Makonde, Zvimba neChegutu, vanoti vakawanda vavo vagara vachitadza kuvhota nekuda kwenzvimbo dzekuvhotera dzinenge dziri kure.

Vashandi ava vanoti mumakore akare vaitota zvekutakurwa nematirakita evarimi vechichena kuenda kunovhota.

Vashandi ava vanoti iye zvino havachatakurwe sezvo vakawanda vave varidzi vemapurazi, vanove varimi vechitema, uye vazhinji vavo vasina dzimotokari kana matarakita zvekuvatakura nazvo kuti vanovhota zvekuti vanenge vachitodawo kuwana chinovatakura kuti vaende kunovhota.

Mumwe mushandi wepapurazi reRixi riri kwaZvimba, VaGreystone Matiza, vanoti nzvimbo dzekunovhotera dziri kure zvekuti vave kukurudzira komisheni inoona nezvesarudzo ye Zimbabwe Electoral Commission -ZEC, kuti iise nzvimbo dzekuvhotera papurazi regarega.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mushandi wepapurazi reWest Range, kuMakonde, VaNaiso Chivende.

Munyori mukuru musangano rinomirira vashandi vemumapurazi, reGeneral Agriculture and Plantation Union of Zimbabwe, GAPWUZ-, VaAustin Muswere, vanoti nyaya yekuvhota kwevashandi vemumapurazi ragara riri dambudziko kubva muna 1980 nyika payakawana kuzvitonga kuzere.

VaMuswere vanoti panofanirwa kuva nekuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo kuti vanhu vasafambe mitunhu mirefu kuenda kunovhota.

Sachigaro veZEC Amai Priscilla Chigumba
Sachigaro veZEC Amai Priscilla Chigumba

Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo rakazvimiririra, reZimbabwe Elections Support Network, ZESN, VaAndrew Makoni, vanoti zvakakosha kuti nzvimbo dzekuvhotera dzive pedyo nevanovhota kuti vasatakurwe nevanenge vachida kuvhoterwa sezvo izvi zvichizoita kuti vhoti yavo irunzirwe.

Mukuru weZEC mudunhu reMashonaland West, VaAustin Ndlovu, vanoti vane chishuwo chekuti vanovhota vasafambe mutunhu unodarika makiromita mashanu kuenda kunovhota.

Asi VaNdlovu vanoti vakanyoresa vanofanirwa kumbotsungirirawo kuti vafambe mitunhu iripo kuenda kunovhota vachiti vana vavo vanofamba mitunhu iyoyo kuenda kuzvikoro pazuva.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvesarudzo dzinoti vanhu vanofanirwa kufamba mitunhu midiki kuenda kunovhota senzira yekudzivirira kuti vanovhota ava vasawane vanovapa zvekufambisa kuti vazovavhotera semuripo.

Nyanzvi idzi dzinotiwo kufamba mutunhu murefu kunogona zvakare kuodza mwoyo yevavhoti, izvo zvinozoita kuti vamwe vasabuda kunovhota. Zimbabwe iri kutarisirwa kuita sarudzo dzenyika yose gore rinouya, uye ishuviro yevagari vemumapurazi ava kuti dai chichemo chavo chagadziriswa sarudzo idzi dzisati dzasvika.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG