Accessibility links

Breaking News

Vatambi veNhabvu Gumi neMumwe Vakatamba Zvinonwisa Mvura Vanodomwa, Ukuwo Vateveri veNhabvu Vachigadzirira Kutanga kweWorld Cup kuQatar


Walter Musona weFC Platinum ndemumwe wevatambi vasarudzwa vakatamba zvinonwisa mvura muna 2022.
Walter Musona weFC Platinum ndemumwe wevatambi vasarudzwa vakatamba zvinonwisa mvura muna 2022.

Vatambi gumi nemumwechete vari kurwira mukombe we2022 Castle Lager Soccer Star of the Year vasarudzwa nhasi, panguva iyo pasi rose ramirira nemaziso matsvuku kutanga kwemitambo yeWorld Cup 2022 kuQatar neSvondo.

Vatambi vadomwa sevakatamba zvinonwisa mvura vanosanganisira Walter Musona uyo akaita basa guru mukutungamira FC Platinum kutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer.

Walter munin’ina waKnowledge Musona uyo akatungamira maWarriors eZimbabwe kumafainari matatu eAfcon.

Mumwe asarudzwa ndi William Manhondo weCaps United uyo akanwisa zvibodzwa zvakawandisa kudarika Vatambi vese muPSL.

Manhondo akanwisa zvibodzwa gumi nezvinomwe mugore iro chikwata chake chaitatarika zvinotyisa.

Pamusoro paWalter Musona, FC Platinum yakandawo Gift Bello naWallace Magalane pakarenda yevatambi vakashura mare yegore rinouya.

Vamwe vatambi vasarudzwa ndiFrank Makarati weDynamos, Delic Murimba naNelson Chadya veNgezi Platinum Stars, Brian Muza weChicken Inn, Ilic Ilunga weBlack Rhinos, Divine Mhindirira weHighlanders naInnocent Benza weHerentals.

Musona ndiye ari kutarisirwa kutora mukombe mushure mekutungamira FC Platinum mukutora mukombe weligi uyezve mukusvitsa chikwata ichi muma semi fainari eChibuku Super Cup.

Mutsigiri wenhabvu VaChristian Gwaze vanoti zvingatovashamisa Musona akasatambidzwa mukombe uyu.

Asi mutsigiri weCaps United VaPhillip Regede vanofunga kuti Manhondo ndiye anokodzera.

FC Platinum ndiyo yakatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League
FC Platinum ndiyo yakatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League

Mutambi achatora mukombe uyu nevateveri vake vaviri, pamwe nemurairidzi akakunda vese vachatambidzwa mikombe yavo nemari yekutendwa pamabiko achaitwa musi wa 17 Zvita gore rino.

Asi hapana mubvunzo kuti shasha yevarairidzi mwaka uno ndiani, kunze kwa Norman Mapeza, uyo akatora mukombe weligi neFC Platinum uyezve nekusvika muma semi fainari eChibuku Super Cup.

Rodwell Chinyengetere ndiye akapedzisira kutambidzwa mukombe we Soccer Star of the Year muna 2019 mitambo isati yambomiswa muna 2020 na2021 nemhaka yedenda reCovid-19.

Zvichakadaro… Herentals neBulawayo Chiefs dziri kusangana muBarbourfields Stadium mangwana kurwira kutora mukombe weChibuku Super Cup.

Kaputeni weHerentals Brighton Majarira anoti vari kutora mukombe uyu semitambo yemazuva ese.

Chikwata chinotora mukombe uyu chaifanirwa kunge chichizonomirira nyika mumakwikwi eCAF Confederation Cup asi izvi hazvichakwanisike nemhaka yekudzingwa kweZimbabwe munhabvu yepasi rese neFifa.

Makwikwi eFIFA 2022 ari kutanga Svondo kuQatar
Makwikwi eFIFA 2022 ari kutanga Svondo kuQatar

Toenda kuQatar, uko kuri kuri kutambirwa mitambo yenhabvu yepasi rose yeWorld Cup Final 2022. Makwikwi aya ari kuparurwa neSvondo apo Qatar iri kutamba neEcuador.

Chikwata chekuAfrica chiri kutanga kutamba kumakundano aya iSenegal, iyo iri kusangana neNetherlands neMuvhuro.

Zvimwe zvikwata zvemuAfrica zviri kumakwikwi aya zvinoti Cameroun, Tunisia, Morocco neGhana.

Vakawanda vanoti vari kuisa mari yavo paSenegal iyo vanofunga kuti rwendo rwuno ingangopfuura makota fainaira ichienda mberi.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG