Accessibility links

Breaking News

Botswana Inoti Kubiwa kweMombe neZvinofungidzirwa Kuti Zvizvarwa zveZimbabwe Kwaderera


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vakazivisa neMuvhuro kuti nyaya dzekubiwa kwezvipfuyo munzvimbo yeBobirwa, iri pedyo nemuganhu wenyika yavo neZimbabwe kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwadzikira nezvikamu makumi matanhatu nezvitatu nezviga zviviri kubva muzana kana kuti 63.2 %.

Vachitura mamiriro ezvinhu munyika yavo kana kuti State of the Nation Address, VaMasisi vakati Zimbabwe neBotswana dziri kubudirira zvikuru mukuderedza kubiwa kwezvipfuyo munzvimbo iyi zvichitevera kushandiswa kwendege dzemhando yemadrones.

Vakati dambudziko rekubiwa kwezvipfuyo nezvinofungidzirwa kuti zvizvazarwa zveZimbabwe kunyanya nekuda kwekusamira zvakanyana kwehupfumi kukasagadziriswa kunogona kupararira kune dzimwe nyika dzemuSADC.

Kubiwa kwezvipfuyo zvinosanganisira mombe, mbudzi nemadhongi kwakapa Botswana kuti idome komisheni inoongorora dambudziko iri muna Gumiguru wegore rakapera ndokukurudzira matanho ekugadzirisa dambudziko iri asimbaradzwe.

VaDavidson Mapetla, avo vane purazi ravo remombe riri mumusha weGobojango uyo uri pamuganho weZimbabwe neBotswwana, vaudza Studio7 kuti nyaya dzekubiwa kwezvipfuyo dzadzikira zvikuru.

Vatenda mushandirapamwe vevagari venyika yavo neveZimbabwe kumisha iri pamiganhu iyi vakatiwo zviri kuitwa nehurumende zviri kubatsira vane zvipfuyo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa maringe nenyaya iyi sezvo mutauriri wemapurisa munyika, Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi vanga vasingadaire nharembozha yavo kusvika pataenda pamhepo.

Taedzawo kutaura nemutauriri weMatebeleland South Provincial Police, Inspector Loveness Mangena, sezvo vari munzvimbo iri kushandidzana nemapurisa emuBotswana neZimbabwe pakurwisana nedambudziko iri asi vati vaita mutete panyaya dzinopinza imwe nyika pakati.

Nyanzvi munyaya dzekudzivirirwa kwenyika uye vachidzidzisa nezvekuchengetedzwa kwwenyika kana kuti Security Studies paBaisago University muBotswana, VaTonderai Muringani vati mushandirapamwe pakati peZimbabwe neBotswana kunobatsira kusimudzira nyaya dzezvehupfumi.

Muna Gunyana wegore rakapera, mapurisa akaparura chirongwa cheOperation Let’s fight stock thieves/Asilwiseni Amasela ezifuyo/Ngatirwisei mbavha dzezvipfuyo senzira yekuita muonerapamwe chuma chemuzukuru neBotswana mukusunga mbavha.

Kubiwa kwemombe kwange kwod kukanganisa kudyidzana kweZimbabwe neBotswana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG