Dare repamusoro rapa nhengo dzebato reCitizens Coalition for Change gumi neina mukana wekutongwa dzichibva kumba zvichitevera kusungwa kwadzakaitwa kuNyatsime dzichipomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga yezvematongerwo enyika.
Chikwata chesangano renyika dzaive pasi pehutongo hweBritain kunyanya icho chiri munyika kuzoongorora kuti Zimbabwe yodzorwa musangano iri here kana kuti kwete, chiri kusangana nehurumende, mapato anopikisa nemasangano anoshanda akazvimirira, nyanzvi dzichiti zvakakosha kuti hurumende iremekedze kodzero dzevanhu pamwe nehutongi hwejekerere kuti itambirwe zvakare muCommonwealth.
Mutauriri wemutungamiri wenyika uye vari mutevedzeri wemunyori mukuru mudare remakurukota VaGeorge Charamba vanoti kupihwa motokari nezvimwe kwakaitwa mutungamiri weMDC-T VaDouglas Mwonzora kuyedza kwehurumende kupomhodza gakava nevanopikisa kuti nyika ifambire mberi.
Kirinika yekanzuru iri mumusha weMbare yeEdith Opperman inonzi yave duku zvakanyanya zvichitarisiwa huwandu hwevanhu vanobatsirwa panzvimbo iyi, kanzuru ichiti ichagadzirisa dambudziko iri.
Tichsakupai nezvegadziriro iri kuitwa nezvikwata zviri kuenda kumakwikwi eQatar World Cup 2022 nezvinofungwa nevatsigiri vemutambo wenhabvu nezvemakwikwi aya.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk- The Connection chatinotaura nevechidiki, Ntungamili Nkomo weStudio 7 ari kutaura nezvemakore mashanu kubva hurumende yamushakabvu Robert Mugabe yapidigurwa nemauto. Pane zvachinja here kune vechidiki kubva zvabviswa VaMugabe pachigaro? Kodzero dzevanhu dziri kuremekedzwa here? Tichatarisa nezvekusungwa nekupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kwaitwa vatsigiri vebato rinopikisa reCCC vakasungwa kuChitungwiza.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose
Facebook Forum