Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaDouglas Mwonzora vanoti chimwe chakapa kuti vaforere nekutambira munda kubva kuhurumende inyaya yekuti muzukuru wegamba rehondo yeChimurenga Ishe Rekayi Tagwena vakashaya muna 1984.
“Ini ndiri muzukuru waRekayi Tangwena, ndiri weSimboti, tiri veMadzimambo kuNyanga ikoko, Saka Land yese iri kutaurwa iyi, iri pasi peland yedu yehumambo hwedu.” VaMwonzora vaudza Studio 7. Vaenderera mberi vachiti, “Zvingaita sei kuti Senator, kuti mwana waMambo, kuti muzukuru waMambo agonzi haana munda munyika inotongwa nemadzitateguru ake?
Ishe Tangwena vakabatsira vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe naVaEdgar Tekere kuyambuka kuenda kuMozambique kunorwa hondo yerusungunuko. Izvi zvinotevera kutorerwa ivhu ravo nevachena mugore ra1966. Nzvimbo yehushe hwaTangwena inosanganisira Nyamaropa, Matema, Tombo, Bumhira, Regina neTrout beck kuNyanga South kunova kwakapihwa VaMwonzora purazi.
VaMwozora varamba kuti vari kushanda neZanu-PF vachiti vamwe vanopikisa vakaita semumwe mutevezderi webato reCCC VaWelshman Ncube vakapihwawo mapurazi. Panyaya yekuti zvavari kupihwa nehurumuende zvawandisa kudarika zvakapihwa mushakabvu Gibson Sibanda naDoctor Thokozani Khupe pavaitungamira vanopikisa mudare reparamende, VaMwonzora vati vaviri ava vainge vaine zvigaro zviri pasi pavo sezvo ivo vakapkeka bhutsu dzamushakabvu Morgan Tsvangirai.
VaMwonzora vatiwo mumwe mutevedzeri wemutungamiri webatoreCCC VaTendai Biti vakapihwa munda kuNyanga. Asi VaBiti vaudza Studio 7 kut zviri kutaurwa naVaMwonzora hazvina nematuro ose nekuti havana kubvira vapihwa kana nzvimbo yekuvakira chaiyo nehurumende.
Facebook Forum