Accessibility links

Breaking News

Messi, Neymar, Ronaldo, Mane, Mbappe- Ndiyani Achashuramare kuQatar World Cup?


Neymar, naRicharlison, dama
Neymar, naRicharlison, dama

Vatambi vari kurura vachitambira zvikwata zvavo kuEurope vananga kuWorld Cup kunomirira nyika dzavo asi World Cup yasiyana zvikuru nezvavajaira.

Kubva kuna Lionel Messi kusvika kunaKilian Mbappe tichidarika nepana Neymar, Christiano Ronaldo, Harry Kane, Sadio Mane, Kevin De Bruyne, Robert Lewandoski, naKarim Benzema, vatambi ava vachange vari kuWorld Cup vakasakuvara mitambo isati yatanga.

Kylian Mbappe
Kylian Mbappe

Zuva nezuva vatambi ava varikuonekwa vachiita zvidavado vakamirira zvikwata zvavo asi mutoro kuWorld Cup unenge wati kurei nekuti vanenge vakatakura zita nemureza wenyika dzavo.

Vamwe vavo vachaita mukurumbira asi vamwe vavo vachaita mbiri yekukundikana kumakundano makuru aya.

Vamwewo vakaita saErling Haarland weNorway vakatokundikana kare sezvo nyika dzavo dzichange dzisiko kuWorld Cup uku.

Vamwewo vanenge Ngolo Kante weChelsea vakaitawo munyama nekutadza kuenda kuWorld Cup uku nemhaka yekukuvara.

Aimbove murairidzi weCircle, Harare City, Hwange ne Dynamos Bigboy Mawiwi anoti ino ndiyo nguva yaLionel Messi yekuratidza hushasha hwake muWorld Cup yake yekupedzisira.

Aimbove Munyori mukuru weCaps United VaWellington Chando vanoti semaonero avo kune vatambi vatanhatu avo vanofunga kuti vachasimudza pasi rese.

Asi vatambi ava havasanganisire Messi kana Neymar asi vechidiki saPhil Foden.

Messi
Messi

Dan Jimu uyo akambotambira Arcadia United ne Black Aces ane mafungiro akasiyana nevamwe achiti Neymar weBrazil ndiye achashura mare.

Dumisani Mpofu uyo akaenda nechikwata chemaWarriors ku2004 Africa Cup of Nations anoti mumwe wevatambi vasina mukurumbira wakanyanyisa vakaita Kevin de Bryune ndivo vachaita mbiri kumakwikwi aya.

Asi kune vamwewo vanoti Pedri weSpain, Christian Pulisic weUSA, Takefuso Kubo weJapan naAlphonse Davies weCanada vachadzoka kubva kumakwikwi aya vaine mazita anorema kudarika zvavari.

nDIYAPakapedzisira kuitwa makundano aya Luca Modric we Croatia neReal Madrid ndiye mutambi akanzi akagonesesa kudarika vatambi vese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG