Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veNyika Vokurudzirwa Kuzadzikisa Zvimbiso Zvekugadzira Kushanduka kweMamiriro eKunze


President Joe Biden speaks at the COP27 U.N. Climate Summit, Nov. 11, 2022, at Sharm el-Sheikh, Egypt.
President Joe Biden speaks at the COP27 U.N. Climate Summit, Nov. 11, 2022, at Sharm el-Sheikh, Egypt.

Nyanzvi munyaya dzezvekushanduka kwemamiriro ekunze dziri kukurudzira vatungamiri venyika zvikuru dzakabudirira kuti vazadzikise zvivimbiso zvavo kunyika dzichiri kubudirira pakutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko ari kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Izvi zviri kubuda kumusangano wechimakumi maviri nenomwe wezvekutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko okonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti 27th session of the Conference of the Parties of the UNFCCC (COP 27) uri kuitirwa kuSharm el-Sheikh, Egypt.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndemumwe mutungamiri akataura kumusangano uyu vakakurudzira nyika dzakabudirira kuti dzibtsire dzichiri kubudirira nemari kuti dzimire kushandisa marasha anonzi anosvibisa mweya wekufema zvakanyanya.

VaMnangagwa vakati pasina rubatsiro urwu, Zimbabwe ichaenderera mberi ichshandisa marasha kubva kuHwange.

Hwange Power Station
Hwange Power Station

Vachitaura kumusangano uyu, mutungamiri wenyika yeAmerica vaJoe VaBiden vakatiwo America yakabatana neEuropean Union neGermany yakazvipira kubatsira Egypt nemari inosvika mamiriyoni mazana mashanu kana kuti US$500 million kubatsira nyika iyi kuti ishandise mhando dzemoto dzisinga zvibise mamiriro ekunze. Nyika idzi dziri kubatsirawo South Africa.

Kushanduka kwemamiriro ekunze kuri kukonzera mafashamu emvura, madutumupengo emhepo, kupisisa kwekunze zvose zvinokonzera nzara munyika dzakawanda zvikuru muAfrica.

Mozambique, Maputo
Mozambique, Maputo

Imwe nyanzvi munyaya dzezvekushanduka kwemamiriro ekunze VaLawrence Mashungu vaudza Studio 7 kuti vari kufara kuti vatungamiri venyika vazvionawo kuti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo vari kuratidza kuzvipira kuzadzikisa zvavakavimbisa pakukamura hutsi hunosvibisa kunze hunopwititika mumaindustry enyika dzavo.

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vakatoyambira kuti pasi rino rinogona kutadza kubva kumawere kwarave kusvika kana pakashaya kuzvipira kugadzirisa nyaya dzekushanduka kwemamiriro ekunze. Musangano uyu wakatanga musi wa 6 Mbudzi uchipera nemusi wa 18 Chishanu chino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG