Accessibility links

Breaking News

Mapurisa kuBulawayo Anomisa Mutambo weKonzati weElection Resource Centre weKukwezva Vechidiki Kunyoresa kuVhota


Election Resource Centre Register to Vote Concert
Election Resource Centre Register to Vote Concert

Mapurisa emuBulawayo anonzi arambidza mutambo wemagitare we #Register To Vote Students Concert, wanga warongwa nesangano reElection Resource Centre senzira yekukurudzira vana vechikoro kuti vanyorese kuvhota.

Konzati iyi inonzi yanga ichifanirwa kuitirwa munhandare yeHartsfield Tshisanyama kutanga nenguva dzemasikati kusvika pakati pehusiku.

Vechidiki vanonzi vanga vachifanirwa kupinda mumimhanzi iyi vachingoshandisa marusiti anoratidza kuti vakanyoresa kuvhota chete.

Vane ruzivo nezvenyaya iyi vanoti mapurisa eBulawayo Central District ambenge atombopa ERC mvumo yekuiti ienderer mberi asi zvinhu zvinonzi zvazongoshanduka pashure.

Vaimbi vechidiki vane mukurumbira vanosanganisira Enzo Ishall, Holy Ten naAsaph ndevamwe vanonzi vanga vachitarisirwa kutandadza vanhu.

Tabata vamwe vashandi ve Election Resource Centre kuti tinzwe zvizhinji asi vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi, vakati titaure nemukuru wesangano iri, Amai Barbara Bhebhe, avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo .

Takundikanawo kubata mapurisa epaBulawayo Central District kanawo mutauriri wemapurisa nyika yose Assistant Commissioner Paul Nyathi avo vanga vasiri kudairawo nharembozha yavo.

Asi mutungamiri wesangano revechidiki rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vanoti zvinokatyamadza uye kutyisa kuti sei mapurisa atora danho iri, vachiti zvinoratidza kuti zvinhu zvinogona kutoomera masangano anorwira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena kuita basa rawo pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Norton Anti-Drug And Substance Abuse Awareness Campaign
Norton Anti-Drug And Substance Abuse Awareness Campaign

Zvichakaro, mumiriri weNorton mudare reparamende, Va Temba Mliswa, vakabatana nesangano revechidiki reYouth Advocacy for Reform and Democracy, YARD, vaitwo mutambo waunganidza vechidiki vanobva muzvikoro pamwe nemasangano akasiyanasiyana wakanangana nekukurudzira vechidiki kuti vasiyane netsika yekutora zvinodhaka.

Mutambo uyu unonzi waitirwa panzvimbo yemitambo yePakare Paya Arts Centre, iyo yakavakwa namushakabvu Oliver Mtukudzi kwakare kuNorton.

Vamwe vevanhu vanga vari pagungano iri vanosanganisira mumiriri weHarare West muparamende vari nhengo yebato reCitizens' Coalition for Change CCC, Muzvare Joana Mamombe pamwe nemutungamiri webato re LEAD, Muzvare Linda Masarira.

Gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima ndivo vanga vachitarisirwa kuve munyarikani mukuru pamutambo uyu.

ERC CONCERT-MADHUKU-SHO-JONGA 12 NOV 2022.mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG