Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varimi veGorosi Votyira Kuti Gorosi Ravo Richiri muMinda Richakanganiswa neMvura Yave Kunaya muMatunhu Akawanda


Varimi vegorosi remuchando vanoti vari kutyira kuti gorosi ravo richakanganiswa nemvura yave kunaya.

Kunyange varimi vakawanda vari kufarira kunaya kuri kuita mvura kumativi ose munyika, vamwe varimi vegorosi vanoti mvura yaturuka nekukurumidza iyi ichakanganisa goho ravo sezvo gorosi ravo ranga raoma rave kunayiwa riri mumunda.

Mumwe murimi wegorosi kuBanket, VaMunashe Chambati, vanoti vainge vakatarisira goho rinosvika matani makumi matatu asi vanoti izvi zvicharamba sezvo gorosi ravo rave kunayiwa richiri mumunda.

VaChambati vanoti mvura iri kunaya ichakanganisa huwandu pamwe nekunaka kwegorosi ravo izvo zvichaita kuti vawane mari shoma pane yavanga vachitarisira.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi wegorosi mudunhu reMashonaland East pedyo neMarondera, VaWeston Kahari, avo vanotiwo mvura iri kunaya iyi ichakanganisa goho ravo.

Mumwe wevatevedzeri vaviri vegurukota rezvekurima, VaPeter Haritatos, vanoti vakatoendesa michina yekukohwa gorosi kunzvimbo dzose munyika yose uye vanokurudzira varimi kuti vapedze kukohwa gorosi mumazuva mashoma ari kutevera.

Asi mumwe murimi wegorosi mudunhu reUmguza kuMatebeleland North, VaMthokozi Lunga, vanoti izvi hazvisi kuitika vachiti vakavimbiswa michina yekukohwa masvondo maviri apfuura asi hapana chati chauya.

Sachigaro werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti vanokurudzira varimi kuti vakurumudze kurima gorosi mumwedzi yaKubvumbi naChivabvu kuitira kuti izokwanisa kukohwewa muna Nyamavhuvhu naGunyana mvura
isati yaturuka.

Amai Jiti vanokurudzirawo hurumende kuti ipe varimi vegorosi zvikwanisiro zvekurimisa gorosi nguva ichiripo kuti varimi vakurumidzewo kurima.

Dzimwe nyanzvi dzekurima dzinoti varimi vegorosi vave kunonoka kurima zvinozoita kuti vanonoke kukohwa nekuda kwekushanduka kwemwaka zviri kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze, kana kuti climate change.

Hurumende yanga ichitarisira kuwana matani zviuru mazana matatu nemakumi masere zvegorosi, kana kuti 380 thousand tonnes ako kanova kekutanga kuti iite goho rakadai regorosi rikohwiwe munyika, asi kana muvra yakaramba ichinaya sezvairi kuita mazuva ano tarisiro iyi inogona kuenda mudondo.

Gore rino varimi vanonzi vakadyara mahekiteya zviuru makumi masere egorosi, kana kuti 80 000 hectares, nyika yose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG