Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe neBotswana Dzobatana muKuumba Komiti Inoona nezveKurwisana neChirwere cheMombe cheMahwanda Kana Kuti Foot-and Mouth


Dzimwe dzembudzi dziri kufungidzirwa kuti dzingadai dzakabatwa nechirwere chemahwanda muBotswana.

Zimbabwe neBotswana dzaumba komiti ine nyanzvi dzinosanganisira vanachiremba vezvipfuyo kubva kunyika mbiri idzi senzira yekusimbaradza kubatana kwadzo mukurwisana nechirwere chemahwanda kana kuti foot-and-mouth.

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vataura mashoko aya nhasi mangwanani apo vanga vachitaura nevagari vemumusha weZwenshambe, uyo uri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwenyika iyi.

VaMasisi vati nyanzvi dzakaumba komiti iyi, iyo iri kutungamirwa negurukota rezvekurima munyika iyi, VaFidelis Molao, dzinotarisirwa kuuya nemushonga wekurapa chirwere chemahwanda ichi icho chadai kunetsa.

Sezvo kusina mushonga unorapa chirwere chemahwanda, Botswana iri mubishi kupfura nekupisa mombe zviuru gumi, kana kuti 10, 000, senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi, icho chakaputika muna Nyamavhuvhu mumisha iri kumuganho wenyika iyi neZimbabwe inoti Senyawe, Siviya, Butale, Ramokgwebana, Moroka, Mapoka, neZwenshambe.

Kuchishandiswa mishonga inoderedza hukasha hwechirwere chemahwanda inogadzirwa nekambani yemunyika iyi yeBotswana Vaccine Institute, VaMasisi vati hurongwa uhu hwakanangana nekupedzwawo kwechirwere ichi muZimbabwe sezvo vachibvumirana kuti chiri kutapukira kubva munyika.

VaMolao vatiwo vagara vachipa Zimbabwe mishonga yechirwere chemahwanda, asi vaona kuti zvakakosha kuti vaite muonera pamwe chuma chemuzukuru pakurwisana nechirwere ichi, icho chinotadzisa nyika zhinji kutengesa nyama yemombe kunyika dziri kumawirira. Muna 2011, Botswana yakatanga kupa Zimbabwe mishonga yekurwisana nechirwere chemahwanda inosvika 50, 000 doses senzira yekubatsira hurumende mukurwisana nechirwere ichi.

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vachisvika pamusangano vavaita nevagari wemumusha weZwenshambe.
Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vachisvika pamusangano vavaita nevagari wemumusha weZwenshambe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende yeZimbabwe sezvo gurukota rinoona nezve kurima munyika Doctor Anxious Masuka vanga vasingadaire nharembozha yavo kusvika taenda pamhepo.

Takundikanawo kubata vatevedzeri vavo vaviri vanoti VaDouglas Karoro naVa Vangelis Haritatos.

Taedzawo zvakare kubata mumiri weZimbabwe muBotswana, VaBatiraishe Henry Mukonoweshuro asi hatina kukwanisa kutaura navo sezvo vanga vasiri muhofisi yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvipfuyo uye vari mukuru pakambani inotengesa zvekudya zvezvipfuyo muguta reFrancistown muBotswana, VaIan Ruwende, vati hurongwa uhu hungabatsira kwazvo sezvo vanasorojena varere muhapwa dzemakomo vakati chara chimwe hachitsvanyi inda.

Chirwere ichi chinokonzera kuti Botswana imbomisa kutengesa nyama yemombe kuEuropean Union (EU) nguva dzese pachinenge chanyuka. Botswana inotumira kunze kwenyika matani zviuru zvipfumbamwe zvenyama yemombe, zvikuru kuEU pagore.

muZimbabwe vebazi rezvekurapwa kwezvipfuyo kana kuti Department of Veterinary Services vakatodzika mutemo unorambidza zvipfuyo kufambiswa kubva kumatunhu ane chirwere chemahwanda, izvo zvinoita kuti zvipfuyo zvinenge zvabatwa zvichifambiswa zviurayiwe nyama yacho yopiswa senzira yekudzvirira kurarira kwechirwere ichi.

Varidzi vemombe dzinenge dzaurayiwa havana muripo vavanopiwa.

Varimi vanobatwa vachifambisa zvipfuyo kana mhuka dzemusango vasina matsamba vanosungwa vogona kukandwa mujeri kana kubhadhariswa mari dzefaindi.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG