Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi, 11, 2022


Shona Headlines

Chikwata che Commonwealth Assessment Mission chotarisirwa kunge chiri munyika kwesvondo rose kutanga mangwana kuti chione kana Zimbabwe yakakwanisa kuzadzisa zviga zvayakatemerwa kuti ikwanise kudzoka zvakare mugungano renyika makumi mashanu nenhanhatu, zhinji dzacho dziri dzaimbove pasi pehutongi hweBritain.

Zvichitevera kukuvara kwevana makumi maviri vepaGreat Zimbabwe University nezuro munjodzi yemumugwagwa vachibva kunonyoresa kuvhota muguta reMasvingo, masangano akazvimiririra pamwe nemamwe mapato anopikisa vokukurudzira komisheni inoona nezvesarudzo munyika yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti ibude nezvirongwa zvekutumira vashandi vayo kuzvikoro zvepamusoro kunonyoresa vadzidzi vanoda.

Zimbabwe neBotswana dzinoumba komiti ine nyanzvi dzinosanganisira vanachiremba vezvipfuyo kubva kunyika mbiri idzi senzira yekusimbaradza kubatana kwenyika mbiri idzi mukurwisana nechirwere chemahwanda kana kuti foot-and-mouth.

Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden, vanopinda musangano we United Nations Climate Change Conference, kana kuti COP 27, uri kuitirwa ku Egypt, vachitarisirwa kutaura pamusoro pezvaitwa nenyika yavo mukurwisana nematambudziko akanangana nemamiriro ekunze muAmerica nekunze kwenyika yavo.

Muchirongwa chedu chemagitare, chesvondo rino tinokupai hurukuro ne muimbi wechidiki, Tawanda Gunda- remagitare,Q SHINE uyo ane kambo kari kupisa kanonzi Musoro Bhangu.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk, na8 pm nhasi tiri kutarisa nezvekuburitswa muhusungwa kwenhengo yeCitizens’ Coalition for Change, VaGodfrey Sithole mushure mekubhadhara mari yechibatiso nezuro.. Tichazeyawo zviri kubuda musarudzo dzemuAmerica dzema Mid-Term.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7 pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG