Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeCCC, VaGodfrey Sithole, Vanopiwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso Mushure meMwedzi Mishanu Vari muHusungwa


Nhengo dzeCCC, VaJob SIkhala, vari kuruboshwe, naVaGodfrey Sithole, vari kurudyi, dzakasungwa muwedzi mishanu yadarika. Vari pakati ndaVaTendai Biti.

Imwe nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, yanga iri muhusungwa, VaGodfrey Sithole, vanove mumiriri weChitungwiza North mudare reparamende, vapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare ramejasitiriti mushure mekunge vagara mutirongo kwemwedzi ingada kusvika kumishanu.

Rimwe remagweta ari kumirira VaSithole panyaya iyi, VaOliver Marwa, vekambani yemagweta yeTabana and Marwa Legal Practitioners, vanoti mutongi wedare atara kuti VaSithole vabvise mari yechibatiso inoita madhora emunyika zviuru mazana matatu, (ZWL$300 000.00).

Pamusoro pezvo VaSithloe vanzi vazviratidze kumapurisa kamwechete pasvondo, vasakanganise vafakazi, uye kuti vape mumaoko amabharani wedare gwaro ravo rekufambisa.

VaMarwa vanoti VaSithole, avo vari kupomerwa mhosva yekukonzeresa mhirizhonga, vanotarisirwa kudzoka zvakare kudare neChipiuri chinouya.

Mumwe vevavakasungwa navo, vanove mumiriri weZengeza West, uye vari mutewedzeri wasachigaro weCCC, VaJob Sikhala, vamirawo pamberi pedare nhasi pamhosva yavari kupomerwa yekuda kupesvedzera mhirizhonga musi wa31 Chikunguru 2020, vakanzi vadzoke zvakare kudare musi wa 17 mwedzi uno,

VaSithole naVaSikhala vakasungwa pamwechete nedzimwe nhengo dze CCC gumi neina musi wa 14 Chikunguru vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga mushure mekuwanikwa kwemutrumbi wenhengo yebato ravo, Muzvare Moreblessing Ali, avo vakapondwa.

Vasungwa ava kachengetwa kujeri guru reChikurubi, kunyange hazvo vasati vawanikwa vaine mhosva.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG