Accessibility links

Breaking News

Mavhoti Achiri Kuverengwa Muzvimbo Zhinji dzeAmerica Dzakaita Sarudzo neChipiri


Kuverengwa kwe mavhoti kuchiri kuenderera mberi munzvimbo zhinji muAmerica

Mavhoti esarudzo dzakaitwa neChipiri mumatunhu mazhinji muAmerica achiri kuverengwa.

America yakaita sarudzo dzedare reHouse of Representatives nedzimwe dzedare reSenate mapato maviri anoti reDemocratic Party nerinopikisa, reRepublican Party, achirwira kuwana mukana wekutonga mumatare.

Mamiriro akaita zvunhu parizvino anoratidza kuti bato rinopikisa, reRepublican Party, rine nhengo zhinji muparamende asi vasina kuwanda zvokuti vaite madiro mukufambisa nyaya dzeparamende.

Mudare reSenate, mapato maviri awa ari pamangange asi pachine matunhu mazhinji asati apedza kuverenga mavhoti evakakwikwidza kuva nhengo dze Senate.

Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti sarudzo dzakaitwa zvakanaka uye havana zvimhingamupinyi zvavanotarisira mukuverengwa kwemavhoti kuri kuitwa.

Asi vati zvakabuda mune dzimwe sarudzo zvinogona kutora mazuva kana masvondo akawanda kuti zvizikanwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG