Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Human Rights NGO Forum Inoti Yakaona Kukwira kweMhirizhonga yeZvematongerwo eNyika Kubva Ndira Kusvika Gumiguru Gore Rino


Sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum rinoti mhirizhonga iyi yaikonzerwa nebato reZanu PF yakanangana nevanopikisa,
Sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum rinoti mhirizhonga iyi yaikonzerwa nebato reZanu PF yakanangana nevanopikisa,

Sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum rinoti kubva mumwedzi waNdira gore rino kusvika mwedzi wapera waGumiguru gore rino, rakaona kukwira kwenyaya dzemhirizhonga yezvematongerwo enyika pamwe nedzekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Mugwaro rarakaburitsa neChitatu, sangano iri rinoti ongororo netsvakurudzo zvarakaita zvakaratidza kuti nyaya dzinosvika kuchiuru nemazana mapfumbamwe neimwe, kana kuti 1,901, dzakaitika munyika.

Sangano iri rinoti kunyange hazvo izvi zvisingashamisi, mhirizhonga yakaitika kuMbare muHarare nekudunhu reMatabeleland South, pamwe nemashoko ekukurudzira ruvengo nemhirizhonga anonzi akataurwa kuMberengwa zviitiko zvinovhundutsa.

Zimbabwe Human Rights NGO Forum inoti zvakabuda muongororo iyi zvinoratidza kuti mhirizhonga iyi yaiitwa nenhengo dzebato riri kutonga reZanu PF yakanangana nenhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change.

Zimbabwe Human Rights NGO Forum iri kushorawo mapurisa nemabatiro aakaita nyaya yemhirizhonga yekuMbare ichiti akangosunga nhengo dzebato reCCC chete achisiya dzeZanu PF.

Sangano iri rinoti kuti sarudzo dzegore rinouya dziitwe dzakachena uye murunyararo, panofanirwa kutorwa matanho ekugadzirisa kupesana kuri munyika mune zvematongerwo enyika.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi sezvo tatadza kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti manyepo kuti Zanu PF iri kukonzera mhirizhonga munyika vachiti ndiro bato rakasungura vana veZimbabwe haringazovambunyikidza nhasi.

VaChirumhanzu vanoti dambudziko riri pakuti wakaona ivava vemasangano akazvimirira vave kutaura nezvekodzero dzevanhu, ikodzero dzevanhu vatema here kana kuti evachena nekuti vanongotaura kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwakanangana nezvematongerwo enyika.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti hachisi chinhu chitsva uye chinoshamisa sezvo magwaro akadai agara achingoburitswa.

VaMaguwu vanoti chinhu chikuru chavanoda kutaura ndechekuti nyika yeZimbabwe haisati yapora kubva pamavanga ehondo yeChimurenga zvinoita kuti pose panoda kuitwa sarudzo panove nemhirizhonga.

Nyaya yemhirizhonga ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG