Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 03, 2022


Misoro yeNhau

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti rabatsira mhuri mazana mashanu kuti dzisadzingwe pamisha yadzakagariswa patsva kuGoromonzi dzichinzi dzaradza kubhadhara mari inodiwa.

Mutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe Transformative Party VaKanyenzura Parere votongwa kudare ramejastiriti mushure mekusungwa muna Chikunguru nenhengo dzebato ravo makumi matatu neina vachiratidzira muHarare.

Sangano rinoona nezvekodzero dzevana reShamwari yeMwanasikana rinoti hurumende inofanira kuona kuti mitemo yayakadzika kuchengetedza kodzero dzevana yachengetedzwa sezvo vana vakawanda voshungurudzwa.

Tine hurukuro nemutori wenhau Blessed Mhlanga weAlpha Media Holdings uyo ari muAmerica kuzoongorora nekunyora nezvesarudzo dzemuAmerica dziri kuitwa musi wa 8 Mbudzi.

Sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum raburitsa ongororo inoratidza kuti nyaya yemhirizhonga iri kuwedzera munyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya. Tererai gakava redu pakuti ndiyani ari kukonzera mhirizhonga iyi.

Muchirongwa chedu cheLive Talk chatinotaura zvinosangana nemadzimai muhupenyu hwavo kana kuti Womens Round Table na8pm, tiri kuzeya nyaya yemhirizhonga mudzimba vamwe varume kuMatabeleland South vachiti madzimai ari kuvambunyikidzwa uye tichazeyawo nyaya yekuchengetedza kodzero dzevana vanonzi vari kushungurudzwawo zvakanyanya mudzimba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG