Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi, 01, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanomirira Zengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala vomira pamberi pedare repamusoro reHigh Court nhasi vachipikisa mutongo wedare ramejastiriti rwekuvanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vaida kupesvedzera mhirizhonga kuNyatsime.

Sangano rinoongorora sarudzo reZimbabwe Election Support Network roramba zviri kutaurwa neZanu-PF zvekuti riri kuda kukonzera nyonga nyoga pachavhota vanhu gore rinouya.

Mumiriri weKuwadzana East VaCharlton Hwende vobatana nemapurisa nevakuru venharaunda yavo mukuyedza kumisa nyaya yekutengeswa nekushandiswa kwezvinodhaka nevechidiki.

Imwe ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe Vulnerability Assessment Committee kana kuti ZimVAC inoratidza kuti varume vakawanda vanoti vari kumbunyikidzwa nemadzimai kuMatabeleland South.

Sangano reZimstat rinoti ongororo yarakaita pakuverengwa kwakaitwa vanhu kunoitwa kamwechete pamakore gumi kana kuti census inoratidza kuti varume vakawanda ndivo vanoshanda zvichienzaniswa nevanhukadzi uyewo vanhu vakawanda munyika vabvazera vari pamabasa.

Nyanzvi mune zvehupfumi dzozeya kudzikira kwekukwira kwemitengo yezvinhu pamwedzi, kana kuti inflation, zvichitevera mafigiri akaburitswa neZimbabwe national Statistic Agency, ZimStat, mumwedzi waGumiguru, ayo anoratidza kuti inflation yepamwedzi yakadzikira nezviga zvitatu kubva muzana, kana kuti 0.3 percent ichibva pazvikamu zvitatu nezvika zvishanu kubva muzana, kana kuti 3.5 percent muna Gunyana.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk chatinotaura nevechidiki cheThe Connection na8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekushandisa zvinodhaka iri kuitwa nevamwe vechidiki yokonzera rufu nekukanganisika kwepfungwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG