Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yoita Mangange neHighlanders


Dynamos

Dynamos neHighlanders dzaita mangange 0-0 muNational Sports Stadium nhasi masikati mumutambo wanga uine mufaro mukuru munhandare kuvatsigiri vezvikwata zviviri izvi.

Nhasi zvasiyana zvikuru nekurwa kwemazuva ese, sezvo kwanga kuine kuimba nekutamba vatsigiri vezvikwata izvi vachifarira zvikwata zvavo.

Dynamos yave nemapoinzi makumi mashanu nemanomwe kubva mumutambo neHighlanders, yasiiwa nemapoinzi maviri neChicken Inn iyo yakarova Caps United 1-0 nezuro.

Dynamos yave nemutoro mukuru sezvo irikusangana neHerentals neCaps United mumitambo miviri yasara.

Herentals yacho yarohwa 2–1 neBulawayo Chiefs iyo zvekare varikusangana nayo mufainari yeChibuku Super Cup musi wa 19 Mbudzi.

Cranbourne Bullets yaita mangange 0-0 ndokupinda mumapoinzi makumi matatu nemanomwe vakaenzana neCaps United zvekubuda pazvikwata zvingangoenda kuDivision One.

ZPC Kariba (35), Bulawayo City (33) ne Harare City (29), dzichiri kurwira kubva pazvikwata zviviri zvichaenda kuDivision.

Murairidzi weBulawayo City Farai Tawachera anoti vanopunyuka hondo iyi mushure mekurova ZPC Kariba muNyamhunga Stadium nezuro.

Hwahwa neTenax idzo dzinove nhengo yeZimbabwe Correctional Services dzakatobuda kare muPSL.

Murairidzi weHwahwa Luke Petros anoti chikwata chake chichadzoka nekuti ane vatambi vechidiki avo varikujairirana matambiro avo.

Zvichakadaro, Zimbabwe nhasi yazviomesera mumakwikwi eT20 World Cup Super 12 apo yarohwa nemaranzi matatu neBangkadesh iyo vanga vachitarisirwa kurova zvisina kushupikira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG