Zimbabwe yakundwa neBangladesh nhasi mumutambo weT20 World Cup kuAustralia.
Zvinhu hazvina kufamba zvakanaka muBrisbane Gabba Ground apo Najmul Shanto akanda maranzi makumi manomwe nerimwechete, ndokutungamira Bangladesh kusvika pamaranzi zana nemakumi mashanu.
Mukutevera Zimbabwe yakwanisa maranzi zana nemakumi mana nemanomwe, mutambi akanda maranzi akawanda ari Sean Williams uyo akanda maranzi makumi matanhatu nemana.
Kunyange hazvo, Ryan Burl abudawo nemaranzi makumi maviri nemanomwe, izvi hazvina kubatsira.
Mutambo weZimbabwe unotevera uriko neChitatu svondo rinouya neNetherlands.
Mutsigiri wechikwata ichi VaTinashe Musonza vanoti maChevrons anofanira kutora mutambo uyu semimwe yavatamba kunyange hazvo Netherlands isina mukurumbira wakanyanya mumutambo uyu.
Zimbabwe ichasangana neIndia mumutambo wayo wekugumisira weSuper 12.
Matikiti zviuru makumi masere (80 000) emutambo weIndia neZimbabwe anonzi atengwa ese.
Facebook Forum