Vanasikana nevanakomana vechikoro vanotamba nhabvu muZimbabwe varasikirwa nemukana wemari yakawanda nemhaka yekudzingwa kweZimbabwe munhabvu yepasi rese neFIFA.
Zvikwata zviviri zvechikoro chevakomana nevasikana zveZimbabwe zvarasikirwa nemukana wekuwana mari inosvika iyo zviuru zana zvemadhora ekuAmerica nekusakwikwidza mumakundano ekutanga eAfrican Schools Football Championship COSAFA Zonal Qualifiers, ayo ari kuitwa muMalawi kusvika neSvondo.
Uyu ndiwo mumwe wemuripo wekudzingwa munhabvu kweZimbabwe kwaita kuti zvikwata zvemuno zvisakokwe mumakundano ari kuiswa mari neCaf aya.
Zimbabwe haina kukokwa kumakundano aya nekuti haitenderwi kukwikwidza makwikwi ese ari pasi peCaf mushure mekudzingwa munhabvu yepasi rese neFifa.
Makwikwi asingatenderwi Zimbabwe aya anosanganisira zvikwata zvese zvenyika zvevakuru, zvevechidiki, pamwe neizvo zvinotamba muCaf Champions League nemuCaf Confederation Cup.
Aimbove murairidzi weMasvingo United Makanyire Mugova Benjamin anoti zvinosiririsa kuti vana vashaiswe mukana wehupenyu.
Chikwata chichakunda mumakwikwi eCosafa aya chinowana mari inoita iyo zviuru zana zvemadhora pamusoro zvekare pekubudirira kunotamba makwikwi eAfrica yese.
Chikwata chinokundwa mufainari chinowana zviuru makumi manomwe nezvishanu, zvemadhora chinopedza chiri pachinzvimbo yechitatu chichiwana zviuru makumi mashanu zvemadhora.
Muongorori wemutambo wenhabvu VaBrian Manyati veKeg Africa Sports vanoti zvinhu zvikaramba zvakadai vatambi vechidiki muZimbabwe vachasarira zvikuru vachienzaniswa nevamwe muAfrica.
Zimbabwe yakadzingwa munhabvu yepasi rese zvichitevera kupindira kwehurumende muhutungamiri hwemutambo wenhabvu.
Izvi zvakauya mushure mekunge bazi rehurumende reSports and Recreation Commission rakadzinga basa bhodhi reZifa raitungamirwa naVaFelton Kamambo.
Fifa inoti Zimbabwe inodzoka chete munhabvu yepasi rese kana yadzora VaKamambo nevamwe vavo pabasa, izvo SRC iri kuramba kuita.
VaManyati vanoti hazvibatsire Zimbabwe kuramba ichirwisana neFifa nekuti Zimbabwe haikunde muhondo yacho.
Zimbabwe yakatodzingwa mumakwikwi eChan nee Afcon 2023.
Maneja wemaWarriors VaWellington Mpandare vanoti vatambi vari kushushikana kusanganisira vari kunze kwenyika avo vari kubvunza kuti vachatambawo rinhi nedzimwe nyika.
Makundano ezvikoro aya ari kuitwa kekutanga muAfrica mushure mekunge Caf yapihwa mari inoita iyo mamirioni gumi emadhora ekuAmerica yekusimudzira nhabvu muzvikoro neMotsepe Foundation yekuSouth Africa.
Zvichakadaro, nzira dzese dzichange dzakananga kuNational Sports Stadium mangwana kumutambo mukuru pakati peDynamos neHighlanders.
Zvikwata zviviri izvi zviri kuda mapoinzi ese matatu, Dynamos iine chinangwa chekupedza iri pachinhanho chechipiri, Highlanders ichida kupedza iri pazvikwata zvina zviri pamusoro soro.
Mutambo wekutanga pakati pezvikwata zviviri izvi, wakapera nemhirizhonga asi VePremier Soccer League vayambira vese vachakonzeresa kuti vachasungwa.
Mitambo yanhasi yapera seizvi, Harare City 1-1 Whawha, Chicken Inn 2-1 Caps United, FC Platinum 1-0 Yadah, Black Rhinos 0-0 Manica Diamonds, Tenax 0-5 Ngezi Platinum.
Facebook Forum