Accessibility links

Breaking News

Kutanga Kunaya kweMvura Mune Mamwe Matunhu Kwoita Kuti Vamwe Varimi Vaturure Mapadza, Vamwe Vachichema neKudhura kweZvikwanisiro


FVamwe varimi vanoti mitengo yembeu nefotereza yakakwira zvakanyanya izvo zvichakanganisa gadziriro yavo yekurima kwaka uno.
FVamwe varimi vanoti mitengo yembeu nefotereza yakakwira zvakanyanya izvo zvichakanganisa gadziriro yavo yekurima kwaka uno.

Vamwe varimi mumatunhu akasiyanasiyana emunyika, zvikuru mudunhu reMasvingo, vanonzi vari kutambira nemufaro kunaya kwakaita mvura mazuva mashoma adarika, vachiti vave kutotanga kuturura mapadza kuti vapinde muminda vachigadzirira mwaka mutsva.

Asi varimi ava vari kuchemawo nekukwira kwemitengo yezvikwanisiro zvinosanganisira mbeu nefotereza, izvo zvavanoti zvichakanganisa gadziriro yevakawanda.

Ambuya Rosina Gonese vemubhuku rekwaMakonese kwaGutu, vanoti kutanga kunaya kwave kuita mvura mucherechedzo wekuti gore rino mvura iriko, asi dambudziko ravari kusangana naro nderekuti mutengo wembeu wakakwira zvakanyanya zvekuti varimi vashoma vachakwanisa kunge vachizvitengera mbeu.

Izvi zvinotsinhirwa neVaOpas Maunganidze vemubhuku rweChinyanganya kwakare kwaGutu kuMasvingo, avo vanoti varimi vakawanda vave kutotarisira kuti vachanunurwa nezvikwanisiro zvavanotambiriswa nehurumende pasi pezvirongwa zvePfumvudza nechemutungamiri wenyika, che Presidential Inputs Scheme.

Asi mumwe murimi ari kuUzumba, VaEphraim Chirenje, vanoti ivo havasi kutsukunydzwa nemvura yakanaya svondo rino iyi, kunyange hazvo yakanaya yakawanda mudunhu mavo. VaChirenje vanoti mvura iyi ndeye munakamwe kana kuti bumharutsva, iyo inogona kumboenda yosiya mbeu dzinenge dziswa muvhu dzichitsva nezuva.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira varimi, re Zimbabwe Integrated Commercial Farmers’ Union, Amai Maiwepi Jiti, vanoti mwaka uno varimi vakawanda vachakundikana kuzvitengera zvikwanisiro, izvo zvichaita kuti vakawanda vatarisire kubatsirwa nezvirongwa zvehurumende, izvo zvavanoti zvinonyanyobatsira varimi vepasi.

Tsaga re 50 kg yefotereza yerudzi rwe Compound D rinonzi riri kutengeswa nemadhora ekuAmerica ari pakati pemakumi matatu nemapfumbamwe, kana kuti US$39.00 nemadhora makumi mana nemashanu, kana kuti US$45.00.

Tsaga re50 kg Urea rinonzi mune zvimwe zvitoro riri kutengeswa nemadhora ekuAmerica makumi manomwe zvichikwira, kana kuti US$70-00, kuchitiwo fotereza yepamusoro kana kuti AN, iri kutengeswa nemadhora ekuAmerica ari pakati pemakumi mashanu nemaviri, kana kuti US$52.00, richisvika kumadhora makumi mapfumbamwe kana kudarika kuzvitoro zviri kumaruwa ari kure neHarare kana kuti US$90.00.

Mbeu inonzi iri kutengwawo nemitengo yakasiyanasiyana zvichienderana nezvitoro, tsapo yemakirogiramu mashanu ichitangira pamadhora ekuAmerica gumi nemashanu, kuchitiwo makirogiramu gumi achitangira pamadhora makumi matatu ekuAmerica zvichikwira.

Hondo iri pakati pe Ukraine ne Russia inonzi yakakonzerawo kushomeka kwefotereza pasi rose izvo zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi zvichatowedzera dambudziko rechikafu pasi rose.

Russia ne Belarus dzakabatana dzinowanisa pasi rose zvikamu makumi mana kubva muzana kana kuti 40 percent zve potash, iyo inogadziriswa fotereza.

Bepanhau reHerald rinoti Zimbabwe inoshandisa mari inoita US$662 million pagore kutenga fotereza kubva kunze kwenyika.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri weStudio
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG