Accessibility links

Breaking News

Vana veChikoro kuMasvingo Vekubatwa Vaine Bvunzo dze"O" Level Dzisati Dzanyorwa Vanowanikwa neDare Vaine Mhosva


Vana vechimwe chikoro kuMasvingo vawanikwa nedare redzimhosva vaine mhosva yekutora mutemo weZimSec Act mushure mekuwanikwa vaine mapepa ebvunzo dzisati dzanyorwa.

Vana vatanhatu vegwaro reForm 4 vepachikoro cheMadamombe Secondary kwaChivi kuMasvingo nhasi vabatwa nemhosva yekuwanikwa vaine bepa rebvunzo dzeChirungu risati ranyorwa ndokubhadhariswa mari yebvumamurandu kana kuti faindi inosvika zviuru makumi matatu zvemadhora emunyika kana kuti30 000 RTGS pamunhu nemutongi wedare remajisitireti reMasvingo.

Vana ava, avo vanoti Tinashe Mudharara ane makore gumi nemapfumbamwe (19), Nyasha Gundani ane makore gumi nemasere (18), Eric Mudzimba ane makore gumi nemapfumbamwe (19), Prime Mapasure ane makore gumi nemapfumbamwe (19), Tadiwa Mudimu naTinotenda Muzamani vane makore gumi nemasere vese (18), vamira pamberi pemutongi wedare, Muzvare Conceptor Ngwerume, avo vavabata nemhosva yekutyora mutemo we Zimbabwe Schools Examination Council, kana kuti Zimsec ACT.

Gweta revamwe vevana ava, VaFrank Chirairo, vati vana ava vange vachipomerwa mhosva yekuwanika vaine bvunzo iyi iri munharembozha dzavo bvunzo dzisati dzanyorwa.

Vaenderera mberi vachiti kunyangwe vana ava vakasungwa, mapurisa anofanira kuferefeta kuri kubva mapepa ebvunzo aya kuitira kuti vanhu vari kupa vana mapepa vasungwe nekuti ndivo vari kutanga kupara mhosva.

Mumwe mubereki wevana ava aramba kudomwa zita rake achiti anogona kuzokanganisa nyaya iri mudare ati anorwadziwa kuti vana vavo vasungwa vogwa asi pane mudzidzisi anonzi aiva munyaya iyi asi haana kusungwa.

Vana vari kuwanikwa vane bvunzo padzinharembozha dzavo iwo mapepa ebvunzo idzi asati aburitswa zviri pamutemo uye bvunzo dzisati dzanyorwa vanonzi vawandisa gore rino izvo zviri kuita kuti vamwe vati zvinoshaisa bvunzo dzegore rino chiremera.

Vamwe vana vakawanikwa vaine bepa rebvunzo dzemasvomho kana kuti Maths kwaZvimba pamwe nepaBikita Fashu Secondary School kuBikita svondo rapera.

Bazi rinoona nezvebvunzo munyika, reZimbabwe Schools Examination Council, kana kuti Zimsec, rakabudisa mashoko ekuti riri kuongorora nyaya idzi uye vanenge vawanikwa vaine mhosava vacharangwa zvichienderana nemutemo.

Mutauriri weZimsec, Muzvare Nicky Dhlamini vakaudza Studio 7 kuti vanenge vabatwa nemhosva mudare vanogona kupika makore anosvika mapfumbamwe mujeri uye vomiswa kunyora bvunzo kwemakore matatu.

Nyaya ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG