Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokatyamadza Pasi Rose neKurova Pakistan kuT20 World Cup Cricket 2022


Sikandar Raza
Sikandar Raza

Zimbabwe: 130/8/ 20 overs

Pakistan 129/8/20 overs

Chikwata cheZimbabwe chanyora peji itsva munhoroondo yemumutambo wekiriketi yepasi rese. Zimbabwe yashamisa pasi rese nekurova Pakistan nerani rimwechete nhasi masikati mumutambo watambirwa muPerth Stadium, Australia weT20 World Cup Super 12.

Hapana kusanganisira vatsigiri vechikwata chemaChevrons chacho anga achitarisira zvabuda mumutambo uyu.

Asi Zimbabwe yashandura mafungiro aya ndokukunda mumutambo wavo wechitatu mushure mekurova Ireland neScotland.

Vakanda maranzi zana nemakumi matatu vachitungamirwa naSean Williams uyo akanda makumi matatu nerimwe chete vakawanda vanga vave kutoti Zimbabwe yarohwa.

Haris Rauf wePakistan
Haris Rauf wePakistan

Pakistan yakanda maranzi zana nemakumi maviri nemapfumbamwe. Izvi zvave kureva kuti Zimbabwe yave nemapoinzi matatu kubva mumitambo miviri yakaenzana neSouth Africa iyo yarovawo Bangladesh nhasi zvekare. Shan Masood wekuPakistan amboyedza asi zvakona n'anga murapwa achida.

Mutsigiri wechikwata ichi VaLawrence Singende vanoti maChevrons adadisa nyika nezvaaita izvi.

Murairidzi wemutambo wekiriketi Edmore Mutetwa anoti Zimbabwe inokwanisa kutora mukombe iwoyu vanhu vakarivara.

Zimbabwe yasarwa nemitambo miviri mugungano iri neIndia pamwe neBangladesh iyo varikutamba nayo nesvondo.

Mumwe mutsigiri wemutambo uyu VaShapespear Muzamindo vanoti Zimbabwe haisina chekutya nekuti yatoita kare zvaive zvisingatarisirwe.

Murairidzi wechikwata cheRwanda chevanhukadzi asi achibva muZimbabwe Leonard Nhamburo anoti Zimbabwe yakasimba zvekuenda kure mumakwikwi aya. Kubva makundano aya atanga Zimbabwe yarova Ireland, Scotland, nhasi Pakistan

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG