Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 27, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa varambidzwa kuona mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala, nemumiriri weChitungwiza North VaGodfrey Sithole nevamwe vakasungwa kuNyatsime vari mujeri reChikurubi.

Sangano reInter Parliament Union rinoti ratambira chikumbira chekuti riferefete nyaya yekugariswa mujeri musina hutsanana pasina kutongwa kuri kuitwa VaJob Sikhala veCCC.

Mutungamiri webato reZanu-PF nenyika VaEmmerson Mnangagwa vokurudzira runyararo apo nhengo dzavo dzinenge dzotsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Zanu-PF yorambidza vamwe vatori venhau kupinda mumisangano zviri kushorwa nemasangano akawandaa evatori venhau.

South Africa inoti vanodzivirira nyika vari kugara vakagadzirira kuchengetedza vanhu. Izvi zvinotevera yambiro yakapihwa neAmerica kuti pane vanopfurikidza mwero vari kuda kurwisa nzvimbo yeSandton muJohannesburg.

United Nations Development Programme inoti nyaya dzemhirizhonga ine chekuti nevanhukadzi nevanhurume kana kut gender-based violence iri kuramba ichiwedzera muZimbabwe. Ukuwo European Union inoti ichapa Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni zana US$100 million kurwisa dambudziko iri.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzozeya mhirizhonga nekutyisidzirwa kwevanhu musarudzo dzekutsiva zvigaro zvemakanzuru mumatunhu matanhatu emunyika dzakaitwa svondo rapera. Bato reZanu PF riri kupomerwa mhosva yekushandisa mhirizhonga nekumanikidza vanhu kuti varivhotere, vamwe vachiti munongedzo wezvichaitika musarudzo dzegore rinouya. Zanu-PF iri kuramba kuti inoshandisa mhirizhonga.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Women’s Round Table na8 pm, tiri kuita hurukuro nemadzimai nezvechirwere chegomarara repazamu rinobatawo kana vanhurume.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG