Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoita Kongiresi VaMnangagwa Vasina Ari Kuvakwikwidza


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga

Bato reZanu PF nhasi ratanga musangano waro wekongiresi yechinomwe mutungamiriri webato iri nenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachikurudzira vakuru vakuru mubato iri kuti varambe vakamira nemusangano zvisinei nekuti vashaya zvigaro sezvo pari kusarudzwa vatungamiri vatsva zvigaro pakongiresi iyi.

Vachivhura musangano wePolitiburo nhasi, VaMnangagwa vatenda nhengo dzegungani iri vakadzikurudzira kuti dzirambe dzakamira nebato.

Musangano wanhasi uchatambira gwaro reCentral Committee richaturwa pakongiresi pamwe nekutambira zvakabuda musarudzo dzeCentral Committee masvondo maviri apfuura.

VaEmmerson Mnangangwa
VaEmmerson Mnangangwa

VaMnangagwa vati kukunda kwakaita bato ravo musarudzo dzemaBy-election dzakaitwa kunzvimbo dzakaita seInsiza neMatobo mukupera kwesvondo kunoratidza kuti Zanu PF ichakunda zvine mutsindo musarudzo dza2023.

Mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba, vaudza Studio 7kuti kuInsiza neMatobo kwakashandiswa mhirizhonga uye izvi hazzvisii kuzoitika musarudzo dzegore rinouuya.

VaMnangagwa vatiwo kuparurwa kwesangano reTeachers for Economic Development kuno fanirawo kubatsira Zanu PF mukutsvaga rutsigiro uyewo zvinofanira kuitwa kune vamwe vashandi vari mumapazi akasiyana siyana. Kwatove nemamwe masangano akaita sePastors for ED, Young Women for ED, Health Workers for ED neMahwindi for ED

VaMnangawa vatendawo nyika dzemuSADC ne African Union nekukurudzira kubviswa kwezvirango zvavati katemerwa Zimbabwe.

Asi vakatemeraa zvirango izvi vanoti hazvina kutemerwa nyika asi vatungamiri vehurumende vavanopomera mhosva yekutonga nedemo.

VaMnangagwa vano tarisirwa kudoma nhengo itsva dzedare rePolitiburo pakongiresi iyi iri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekuumba hupfumi hweZimbabwe pasina anosarira kumashure kana kuti Building a Prosperous Zimbabwe: Leaving No-one and No-Place Behind.

VaMnangagwa havasi kutarisira kukwikwidzwa pachigaro chekutungamira bato iri uye kuti vapinde musarudzo dzemutungamiri wenyika gore rinouya vakarimirira.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimirira, VaJoel Mukusha, vaudza Studio 7 kuti kudomwa kwaVaMnangagwa nematunhu ese munyika kunoratidza kuti hutungamiriri hwavo hunofarirwa mubato ravo.

Asi vanoongoora nyaya dzezvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti Zanu PF inogona kukundwa musarudzo dza2023 kana pakaisaitwa mhirizhonga.

Kongiresi iyi iri kuitirwa muHarare uye iri kuenderera mberi mangwana pachiitwa musangano weCentral Committee uye ichapera nemusi weMugovera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG