Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekuti Vari Kunze Vavhote Vari muNyika Dzavagere Yosimudza Mutauro, Vamwe Vachiti Zvirango Ngazvitange Zvabviswa


Sangano reZimbabwe Diaspora Vote Initiative riri kuda kuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vavhote vari munyika dzavagere.
Sangano reZimbabwe Diaspora Vote Initiative riri kuda kuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vavhote vari munyika dzavagere.

Sangano reZimbabwe Diaspora Vote Initiative rinoti riri kushushikana zvikuru nekurudziro yarinoti iri kuitwa nedzimwe nhengo dzebato reZanu PF pamwe nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe chete kuvhota kana zvirango zvinonzi nebato riri kutonga reZanu PF zvakatemerwa nyika zvabviswa.

Mutauriri wesangano rinorwira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota zviri munyika dzazvigere iri, VaPadmore Kufa, vanoti vamwe vevari kukurudzira kuti vari kunze vasabvumidzwa kuvhota kusvika zvirango zvabviswa ndaVaVaObert Gutu, vanove gweta, pamwe nedzimwe nhengo dzeZanu PF dzinosanganisira VaPatrick Chinamasa.

VaKufa vanoti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika havaneyi nezvirango izvi sezvo pazvakaiswa vakanga vasipo, nekudaro hazvifanirwe kushandiswa mukumbunyikidza kodzero dzavo dzavanopiwa nebumbiro remitemo.

Hurumende dzeAmerica neBritain dzagara zvadzo dzichijekesa kuti zvirango izvi hazvina kutemerwa nyika, asi kuti vashoma muhurumende nemubato reZanu Pf vanotyora kodzero dzevanhu pamwe nekuita zvehuwori.

Panyaya yekutyira kuti Zanu PF haizokwanise kutsvaga rutsigiro munyika dzainoti yakatemerwa zvirango, VaKufa vanoti zvinoshamisa kuti Zanu PF inosimudza nyaya yezvirango chete kana yave nyaya yekuvhota, asi bato iri rine nhengo dziri munyika dzinonzi dzakaisa zvirango uye vamwe vakuru muZanu PF vanoshanya madiro kuenda kunyika idzi.

Vanoti hurumende inokwanisawo kutanga nevari munyika dzisina kudzika zvirango, uye kana iri nyaya yekuti hurumende haina mari yekuita sarudzo pasi rose, inokwanisa kutanga nevari munyika dzemuAfrica, yozoyambuka mhiri kwemakungwa.

Hurukuro naVaPadmore Kufa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi VaGutu vanoti havasi kupokana nekurudziro yekuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vabvumidzwe kuvhota vari munyika dzavagere sezvo vagara vaine kodzero yavo yavanopiwa nebumbiro remitemo yekuti vavhote.

Vanoti chavari kupesana nacho chete ndechekuti kana vari kunze vakabvumidzwa kuvhota zvirango zviripo pane vemamwe mapato vachakundikana kuenda kunotsvaga rutsigiro kunyika dzinonzi dzakatemera Zimbabwe nekuda kwezvirango izvi.

VaGutu vanoti izvi hazvina kusiyana nekuti vanhu vanopinda mudariro kunorwa asi mumwe achinzi arwe akasungirirwa rumwe ruoko kumusana.

VaGutu vanotiwo kune vanhu vakawanda vasingataurwe nezvavo vari pazvirango, vanosanganisira vatori venhau vasingakwanise kushanyira nyika dzavanoti dzakatemera Zimbabwe zvirango.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG