Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, Gumiguru 26, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bato reZanu-PF rotanga Congress yaro nhasi mutungamiri waro nenyika VaEmmerson Mnangagwa vasina ari kuvakwikwidza pakutungamiri bato iri. VaMnangagwa vakurudzira kubatana mubato ravo

Sangano rinoona nezvekutevedzerwa kwemitemo nenyika dzepasi rino reWorld Justice Project rinoti Zimbabwe iri pakati penyika dzepasi rino dzinotyora kodzero dzevanhu zvakanyanya.

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko roparura hurongwa hwekupa chenjedzo kuvatori venhau nezvechirwere chegomarara repazamu.

Muchirongwa chedu chedu chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kune dzimwe nyika, cheLive Talk Diaspora Forum, tine hurukuro nezvegakava rekuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vopihwa kodzero yekuvhota here kana kuti kwete sezvinoitwa kune dzimwe nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG