Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Cricket Yopona Nepasaka reShumba paMutambo neSouth Africa


Zimbabwe Cricket
Zimbabwe Cricket

Chikwata chezimbabwe checricket chapona nepasaka reshumba nhasi kumakwikwi et20 world cup 2022 kuaustralia mumutambo nesouth africa.

Mutambo we Zimbabwe neSouth Africa weT20 WorlCup wamiswa nemvura panguva iyo chikwata chemaChevrons change chave kuratidza kunge chicharohwa. Mutambo uyu wamiswa South Africa yakanda maranzi makumi mashanu nerimwe chete vasina mutambi abuda uyezve vashandisa maovha matatu chete pamapfumbamwe.

Asi mutsigiri wemaChevrons Muzvare Catherine Muzavazi varikuramba kuti Zimbabwe yanga ichizorohwa vachiti mumutambo munoitika zvakawanda. Zimbabwe yanga yapedza yakanda maranzi makumi manomwe nemapfumbamwe mumutambo wanonoka kutanga nenyaya yemvura.

AB De villiers
AB De villiers

Kunaya uku kwakonzeresa zvekare kuti varongi vemakundano aya vadzikise maovha kubva pamakumi maviri kusvika pamapfumbamweWesley Mandevere naMilton Shumba vanga vaita nepese pavanogona kuti Zimbabwe isarohwe mumutambo uyu.

Mushure mekurasikirwa naCraig Ervine, Sikanda Raza, Regis Chakabva naSean Williams kwakandwa maranzi gumi nemapfumbamwe chete, Mandevere amuka chibhebhenenga ndokukanda maranzi makumi matatu nemashanu.

Shumba azowedzerawo mamwe gumi namapfumbamwe, Zimbabwe ndokusvika pamaranzi makumi manomwe nemapfumbamwe kwabuda vatambi vashanu.

VaLeonard Nhamburo
VaLeonard Nhamburo

Zimbabwe ichiri nemitambo nePakistan, Bangladesh, Netherlands, neIndia, mitambo murairidzi wekiriketi Leonard Nhamburo anoti zvikwata zvisina mukurumbira Bangladesh neZimbabwe ndizvo zvingangobudirira.

Pamusoro pezvo, Nhamburo anoti Zimbabwe ine chikwata chakabatana chinokwanisa kusvika kure mumakundano makuru epasi rese aya. Kuti isvike mugungano reSuper 12 ,Zimbabwe yakarova Ireland neScotland, ikarohwa kamwechete neWest Indies.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG