Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru, 24, 2022


Misoro yeNhau

Vararidzi nevamwe vashandi vehurumende vochema chema nenyaya yekumanikidzwa kunoratidzira vachitsigira kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri vehurumende zvibviswe vachitadza kubatsira vana vari kunyora bvunzo.

Zanu-PF yokurudzira kuti zvirango zvibviswe asi vanorwira kodzero dzevanhu vachiti inofanirawo kubvisa zvirango zvavanoti yakatemera vanhu munyika vari kutyorerwa kodzero dzavo.

Homwe yemari wemutungamiri wenyika yeAmerica yePresident’s Emergency Plan for Aids Relief yoshandiswa kubatsira nherera kuManicaland neMasvingo.

Madzibaba veShanduko voramba kuti vasiya bato reCitizens Coalition for Change vachienda kuZanu-PF.

Madzimai akawanda anonzi anofa achiyedza kubvisa nhumbu dzimwe nyanzvi munya dzezvehutano dzichikurudzirawo vechidiki kuti vasaite bonde vasina kuzvidzivirira.

Zimbabwe yotamba neSouth Africa mumutambo weInternational Cricket T20 World Cup 2022.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nyaya yemhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika vanopikisa vachipomera Zanu-PF mhosva yekuvakanganisa kutsvaga rutsigiro murunyararo. Zanu-PF iri kuramba mhosva yairi kupomerwa iyi. Tichatarisawo nyaya yezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG