Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, Gumiguru, 19, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voparura zviri pamutemo rimwe sangano revarairidzi reTeachers for Economic Development rakonzera mutauro wakanyanya munyika.

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala vonyimwa zvakare mukana wekubvisa mari yechibatiso uku mutungamiri webato ravo reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vachiisa chikumbiro kuvakuru vemajeri kuti vabvumidzwe kunoona VaSikhala nevamwe gumi nevatanhatu vave nemwedzi yakawanda vari kujeri reChikurubi. VaChamisa vakamborambidzwa kuvashanyira kuChukurubi.

Vanhu vanodarika zvikamu makumi mana nemasere kubva muzana kana kuti 48% kuChivi votarisana nenzara inotyisa.

Mukuru wekambani yeMasawara Holdings VaShingai Mutasa avo vane mahotera akawanda muBotswana vokurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi kuti zvitange mabhizimisi munyika.

Mamwe makambani kubva kunyika dzemuAfrica anoti zvigadzirwa zvemuZimbabwe zvine mukana mukuru wekutengwa kunyika idzi asi hazvisi kuwanikwi pamisika nezvitoro munyika idzi. Izvi zvabuda pamusangano wemazuva maviri wakarongwa nekambani yehurumende inoona nezvekutengeserana nedzimwe nyika ye Zimtrade.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk, Diaspora Forum na 8.00 pm nhasi, tiri kutarisa kurudziro yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinotanga mabhizimisi munyika paine kucheme chema kubva kune vamae kuti mhirizhonga iri kuitika munyika inogona kukanganisa nyaya yekukwezva vemabhizimisi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG