Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Gumiguru, 17, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vapihwa gwaro rezvekabuda kubva kuvanhu vaitaura nemadzishe nezvenyaya yeGukurahundi.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voumba komiti yekuongorora mumwe komishina weZimbabwe Anti-Corruption Commission VaJohn Makamure.

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change roshora zvikuru mhirizhonga yakaitika kuMatobo uko kwakariswa nhengo dzebato iri nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Vadzidzi vepaGreat Zimbabwe University vatanhatu vosungwa mushure mekuendesa tsamba yenyunyuto pachikoro ichi.

Muchikamu chedu chatinotaura nezvenyaya dzehutano, tiri kutarisa chirwere chegomarara repazamu.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8 pm nhasi, tiri kuita hurukuro nezvenyaya yemhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika. Izvi zvinotevera kurwiswa kunonzi kwakaitwa vatsigiri vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change nevatsigiri veZanu-PF kuMatobo, Matabeleland South.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG