Accessibility links

Breaking News

Shasha yeMutambo weTsiva yeChidzimai, Chiwandire, Anokurira Zulina Munoz wekuMexico muMutambo weBhande reWorld Boxing Council


Zimbabwean female boxer Kudakwashe Chiwandikwa defending her WBC belt.
Zimbabwean female boxer Kudakwashe Chiwandikwa defending her WBC belt.

Mutambi wetsiva wechidzimai, Kudakwashe Chiwandire, asimudza mufaro munyika musi uyo venhabvu vatarisanawo nema semi fainari eChibuku Super Cup.

Chiwandire akafadza nyika yese neChishanu manheru mushure mekudzivirira bhande rake reWorld Boxing Council Interim Super Bantamweight zvine mutsindo achirova Zulina Munoz wekuMexico pamberi pechaunga chaisanganisira nyanzvi dzetsiva Charles Manyuchi naZvenyika Arifonso.

Vaongorori vatatu vemutambo uyu vakapa Chiwandire kukunda 96-92, 98-89 ne 100-86, izvo zviri kuratidza kuti Chiwandire aive pamberi zvakanyanya mumutambo wemaraunzi gumi uyu.

Chiwandire anoti chaunga chaive munhandare iyi chakamupa manyawi kuti ashingirire apo zvinhu zvaive zvave kuoma.

Vafadzwa nematambiro aChiwandire, mutevedzeri wegurukota rezvemitambo, tsika nemagariro, VaTino Machakaire, pamwe namuzvinabhizimisi VaWicknell Chivhayo vakavimbisa kupa Chiwandire mari inoita zviuru gumi zvemadhora ekuAmereka pamunhu, zvichireva kuti achawana zvikuru makumi maviri zvemadhora ekuAmerica.

VaMachakaire vakafara zvakanyanyisa nezvakaitwa nemutambi uyu.

Murongi wemitambo yetsiva, VaStalin Mau Mau, vanoti zvaitwa naChiwandire zvaunza mufaro wakanyanyisa mumutambo wetsiva.

Chiwandire ari kuwana imwe mari inoita iyo zviuru makumi maviri zvemadhora yakavimbiswa nehurumende kuti ichatambidzwa anokunda mumutambo uyu.

Kune imwe kambani yakazvimirira yakapa zvekare musikana uyu chiuru chemadhora ekuAmerica.

Kukunda uku kwapa zvekare Chiwandire mukana wekurwira bhande reWBC Bantamweight regoridhe iro riri mumaoko aYemilethi Mecardo wekuMexico zvekare.

Mutambi uyu anoti aigadzirira mutambo waMunoz akatarisa kumberi kuna Mecardo.

Bhande regoridhe ndiro bhande repamusosoro muhurongwa hweWBC pasi rese, iro vakawanda vanongoita zvekurota.

Munhau dzenhabvu. Kuchange kune machikichori mumutambo wenhabvu muMandava Stadium mangwana Svondo apo nhandare iyi ichatambirwa ngoma yemitambo miviri yemasemi fainari eChibuku Super Cup.

Vatsigiri vemutambo wenhabvu vapihwa mukana wekuona mitambo miviri yemhando yepamusoro nemari yavanobvisa pagedhe kuona mutambo mumwechete.

Munguva yekudya kwemasikati, Black Rhinos neBulawayo Chiefs dziri kusangana kurwira kutanga kuwana tikiti refainari yegore rino.

Mutambo uyu uchateverwa nemumwe pakati peFC Platinum neHerentals.

Zvikwata zvichakunda mumitambo miviri iyi zvichasangana mufainari iyo ichaitirwa kuBarbourfields Stadium musi wa 19 Gumiguru.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG