Accessibility links

Breaking News

Chiwandire Okunda Munoza wekuMexico Mumutambo weTsiva weWBC Bantamweight


Kudakwashe Chiwandire

Mutambi wetsiva wemuZimbabwe, Kudakwashe “Take Money” Chiwandire akunda Zulina Munoza wekuMexico mumutambo wavange vachirwira bhande reWorld Boxing Council Interim Super Bantamweight kuHarare International Conference Centre (HICC) muHarare.

Mubayiro wemutambo wanhasi wange uine zviuru makumi maviri emadhora ekuAmerica kana kuti US20,00.

cChiwandire akunda nemapoinzi. “Take Money” awana mukana wekuti anokwikwidza kuti atore bhande reWBC bantamweight gold. Ane bhande iri ndi Yamileth Mercado wekuMexico.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG