Accessibility links

Breaking News

Masangano eVarairidzi Onyunyuta neHurongwa hweHurumende Hwekuchengeta paZvikoro vana Vakanyora Bvunzo dzeGrade 7


Hurumende yakaparura chirongwa cheLife Orientation, icho chichaita kuti vana vakanyora bvunzo dzeGrade 7 varambe vari pazvikoro.
Hurumende yakaparura chirongwa cheLife Orientation, icho chichaita kuti vana vakanyora bvunzo dzeGrade 7 varambe vari pazvikoro.

Mamwe masangano anomirira varairidzi munyika ari kunyunyuta nedanho rebazi redzidzo yepasi rekuti vana vakapedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 svondo rino varambe vachienda kuchikoro kuitira kuti vadzidziswe nezvavachanosangana nazvo mberi, kana kuti “Life Orientation”.

Sangano renhau repadandemutande, reZIMLIVE inoti sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rakati hurumende haina kunzwawo kubva kwariri payakatora danho iri.

Ukuwo, sangano reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, ratiwo kunyange hurongwa hwehurumende hwakanaka, rinoona sekunge hurumende yakaona kuti vana ava vari kukasika kunyora bvunzo zvoita kuti hurumende ide kuramba iinawo vachiwana zvekuita.

Mutauriri wesangano iri VaGoodwell Taderera vanoti havaoni vana vachizoramba vachienda kuzvikoro sezviri kutarisirwa nehurumende kana vachinge vatonyora bvunzo dzavo.

Mutungamiri weAmalagamated Rural teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure vanotiwo sangano ravo harina kubatwa naro nebazi redzidzo yepasi pahurongwa uhwu, vachiti danho iri rekudzidzisa vana remangwana ravo rangorohwa zvechibhubhubhu nehurumende sezvo varairidzi vacho vasina kumbudzwa kuti chii chavachange vachiita.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMasaraure vanoti sesangano vanokurudzira kuti pane vekurongwa kwakakwana.

Ukuwo mutungamiri weProfessional Educators Union of Zimbabwe, PEUZ, VaWilson Makanyaire vari kungoimbawo rwiyo rwumwechete rwekuti hurumende yakaita zano ndega isina kugara pasi nevashandi vayo, vanove varairidzi.

Hurukuro naVaWilson Makanyaire
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti chirongwa chekuti vana veGrade 7 varambe vari pachikoro kunyange vakapedza kunyora bvunzo dzavo chakanangana nekuti vawane mukana wekudzidziswa nezvavachanosangana nazvo mberi, kana kuti “Life Orientation”.

VaNdoro vanoti varairidzi vanofanirwa kunzwisisa kuti hazvirevi kuti kana vana vanyora bvunzo zvikoro zvave kubva zvavharwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG