Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 12, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vashandi vehurumende vave kudaidzira musangano wechimbi chimbi nehurumende kuti ijekese nyaya yemabhonasi sezvo zvave kutaurwa kubazi rezvehutano zvekuti vanhu vachapihwa mari nemashandiro avakaita zvichitariswa nevakuru vavo zvisiri izvo zvakatenderanwa pamusangano wakamboitwa usina kupera zvakanaka.

Vamwe vagari vekuBikita vochema chema kuti havachina chekudya nekuda kwekuti kanzuru yavo ari kumanikidza masangano anopa rubatsiro kubhadhara mari dzekuti vakwanise kushanda zvopa kuti vamwe vavo vamire kushanda munzvimbo iyi.

Meya weHarare VaJacob Mafume vanoti pamari yechirongwa chekuendesa masimba kuamatunhu kana kuti devolution inodarika mabhiriyoni maviri emari emadhora emunyika yakavimbiswa nehurumende, kanzuru yavo yakangopihwa mamiriyoni zana nemakumi mashanu kana kuti ZWD 150 million.

Mhepo yakasimba yakavhuvhuta kuMutasa Central yakatakura marata emamwe makamuri echikoro cheZambe Primary ndokusiya vamwe vana vakuvara.

Dare repamusoro rotanga kunzwa mhosva iri kupomerwa vatendi makumi matatu nevana vekereke yeMirirai Jehovah Apostolic Church vakasungwa musi wa 9 Chikunguru mushure mekuratidzira muHarare vachigunun’una nemamiriro ezvinhu munyika.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvakave nenguva yakanaka neMugovera wapera apo zvakaungana zvichidya nekunwa pasi pehurongwa hwekuunganidza mari hwakanga hwakarongwa nesangano reCoalition for Zimbabweans in the DC Area (COZDA)

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Diaspora Forum na 8 pm nhasi, tiri kutarisa matambudziko anosangana nezvizvarwa zveZimbabwe kana hama dzafira kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG