Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 11, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva remwanasikana kana kuti International Day of the Girl Child. United Nations inoti mwanasikana akapihwa mukana, zvinopa kuti nharaunda yose isimukire.

Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka kuMbare uko munhu mumwe chete anonzi mutsigiri weZanu-PF akafa mukurwisana kwevanotengesa paMupedzanhamo nemumigwagwa zvokonzera kuti mapurisa afambe achisunga vatsigiri vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change.

Mapurisa aburitsa mazita evanhu gumi vakafa mushure mekutadza kufema nehutsi hwemoto wavaiyedza kudzima uchipisa sora pane rimwe purazi kuEsigodini.

Mutori wenhau Abigail Gamanya aitungamira sangano reGender Media Connect Zimbabwe akashaya nezuro ochemwa nevakawanda munyika.

Zimbabwe Lawyers for Human Rights inoti inofara nemutongo wedare repamusoro wekumisa kutorwa kwenzvimbo dzemafuro dzemhuri zana kuHwange kuti pavakwe nzvimbo yemujaho wemotokari yemhando yepamusoro soro.

Muchirongwa chedu chanhasi cheLivetalk The Connection, tiri kutaura nevechidiki nezvezuva remwanasikana kana kuti International Day of the African Child.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG