Manyuku-nyuku mumakundano eCastle Lager abva mukurwira mukombe kuenda kuzvikwata zviri kurwira kurarama apo makwikwi aya apinda muvhiki remakumi matatu.
Makundano aya nhasi apinda munharaunda yemakumi matatu paine zvikwata zvisere zviri kurwira hupenyu hwazvo mugungano renhabvu yepamusoro-soro iyi.
Zvikwata zvine mapoinzi makumi matatu nemashanu zvichidzika,
Yadah, Cranbourne Bullets, Caps United, ZPC Kariba, Tenax, Harare City, Bulawayo City ne Hwahwa zviri kudzvinyirirana kubva pazvikwata zvina zvinofanira kubuda kuenda kuDivision One.
Nhasi Harare City yaita mangange 1-1 neNgezi musi mumwechete ZPC Kariba yazvambura Manica Diamonds 3-0.
Bulawayo City yarova Bulawayo Chiefs 1-0.
Murairidzi weBulawayo City Farai Tawachera anoti anorarama mushure mekurova Bulawayo Chiefs 1-0 muLuveve.
ZPC Kariba yazvirerutsira nekurova Manica Diamonds 3-0.
Mangange aita Harare City ari kureva kuti Caps United haifanire kudonhedza mapoinzi pamutambo wayo neCranbourne Bullets mangwana, nekuti kuita izvi kune njodzi huru.
Muongorori wemutambo wenhabvu Admire Muhimeke anoti zvingarwadze vakawanda Makepekepe akakundikana muhondo yavatarisana nayo iyi.
Asi mukuru wechikwata ichi VaFarai Jere nemurairidzi wavo Lloyd Chitembwe vanoti vatsigiri vavo havafanire kutya nekuti varikuita nepese pavanogona kuti Makepekepe ibve pairi apa.
Asi chirikunyanyoomesa mutambo ne Cranbourne Bullets, ndechekuti Bullets yacho, iriwo pazvikwata zviri kurwira raramo, iine poindi imwechete pamusoro peCaps United yacho.
Hwahwa ndiyo iri pasi pasi pegungano rezvikwata gumi nezvisere iri nemapoinzi makumi maviri chete.
Asi murairidzi wayo Luke Petros ari kuramba kuti vatoenda kare kuDivision One.
Petros anoti vari kusimudzira hondo yavo yeraramo nekurova Dynamos muNational Sports Stadium neSvondo.
Green Fuel, Simba Bhora, Shesham neHwange dzakatomirira kutora zvinzvimbo zvemuPSL.
Mimwe mitambo iriko neSvondo yakamira seizvi;
Chicken Inn vs Highlanders - Barbourfields,
Triangle vs Yadah - Gibbo.
Facebook Forum