Accessibility links

Breaking News

Varimi kuHurungwe kuMashonaland West Vorasikirwa neMombe neKuda kweChirwere Chisiri Kuzivikanwa


Nekuda kwekufa kwemombe mudunhu reHurungwe, mutengo wemombe unonzi wadzika zvakanyanya kudarika mutengo wemadhongi.

Vamwe vagari vekuHurungwe mudunhu reMashonaland West vanoti vari kuramba vachirasikirwa nemombe dzavo kunyange vachidzidhibhisa svondo rega rega.

Mumwe mugari wekuDoro kuHurungwe, VaKadakwashe Svosve, avo vakarasikirwa nemombe gumi nembiri, vanoti kunyange vaidhibhisa mombe dzavo, dzakangofa zvakadaro.

VaSvosve vanoti vakatanga kuona mombe kubuda masiriri nekurembedza musoro vanobva vaziva kuti yabata chirwere uye inobva yafa mukati memazuva maviri.

VaSvosve vanoti kufa kwemombe dzavo kuchaita kuti vatadze kurima minda yavo sezvo vasina mari yekuhaya tirakita kuti vawane chekurimisa mwaka uno.

Izvi zvinotsinhirwa nemumwe mugari wekuDeve, VaBenjamin Rinashe, avo vakarasikirwa nemombe dzavo pfumbamwe kwakasara mhuru mbiri chete.

Mumwe mugari wekwa Mudzimu anoda kuzivikanwa saVaJorodhani, anoti kufa kwemombe kuri kuita kuti mutengo wemombe udzike zvakanyanya kudarika mutengo wemadhongi.

VaJorodhani vanoti munzvimbo mavo mombe dzavakutengeswa nemadhora asingadarike zana nemakumi mashanu, ukuwo mutengo wemadhongi wakwira kudarika madhora mazana maviri.

Mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwakanaka kwezvipfuwo mudunhu reMashonaland West, Doctor Thokozani Mswela, vanoti vari kuongorora chirwere chiri kuuraya mombe munzvimbo yeHurungwe ichi asi vachiti mombe dzinogona kufa nechirwere kunyange dzichidhibha.

Vamwe vagari vekuHurungwe vanoti vakarasikirwa nematanga ose emombe dzichifa nechirwere chisati chazivikanwa.
Vamwe vagari vekuHurungwe vanoti vakarasikirwa nematanga ose emombe dzichifa nechirwere chisati chazivikanwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvekurima sezvo gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka, vanga vasingabatike panharembozha yavo.

Zimbabwe ine mushandira pamwe nesangano reEuropean Union, iro rakaisa mari inoita mamiroyoni makumi mana emapaunzi muhomwe yeFood and Agriculture Organization yakanangana nekurwisa zvikwekwe muZimbabwe pasi pechirongwa cheNational Tick-Borne Disease Control Strategy.

Chirongwa ichi chakatanga muna 2019, uye chiri kutarisirwa kupera gore rino.

Studio 7 haina kukwanisawo kunzwa kuEuropean Union kanawo kuhurumende kuti chirongwa ichi chava papi sezvo zvikwekwe zviri kuenderera mberi zvichinetsa munyika.

Sangano reFood and Agriculture Organization rinoti mumwaka wekurima wa 2020, Zimbabwe yakarasikirwa nemombe dzinodarika zviuru makumi mashanu kuburikidza nezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG