Accessibility links

Breaking News

Munyori weMabhuku Ane Mukurumbira Uye Ari Mudzidzisi weChirungu, Emmanuel Sigauke, Anovamba Kambani yeKudhinda Mabhuku, yeMunyori Press


Munyori Press, kambani yekudhinda mabhuku yakavambwa nechizvarwa cheZimbabwe ari munyori wemabhuku, Emmanuel Sigauke.
Munyori Press, kambani yekudhinda mabhuku yakavambwa nechizvarwa cheZimbabwe ari munyori wemabhuku, Emmanuel Sigauke.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Emmanuel Sigauke, anove munyori wemabhuku ari zvakare mudzidzisi weChirungu pane chimwe chikoro chepamusorosoro chiri mudunhu reCalifornia muno muAmerica, achangobva kuvamba kambani yake ichange ichidhinda mabhuku, inonzi Munyori Press.

Sigauke, uyo ane mabhuku matatu aakanyora pachake anoti, "Forever Let Me Go," "Mukoma's Marriages and Other Stories," nerichangobva kuburwa rinonzi "A House for Mother," uye ari mupepeti wemabhuku zvakare, anoti Munyori Press ichange ichidhinda kunyanya mabhuku evanyori vemunyika dziri muAsia neAfrica, pamwe nevari muAmerica maari.

Munyori ane mukurumbira uyu ari kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zvine shungu dzekunyora mabhuku kuti zvishandise mukana uyu kuisa zviri mupfungwa pabepa zvotsikiswa kuti zvive mabhuku, achiti izvi zvinochengetedza ndangariro.

Sigauke anoti kambani yake ichange yakasiyana nemamwe makambani afararira nepasi rose ave kukurudzira vanyori kuti vabhadhare vega mari dzekutsikisa mabhuku avo, uye vanyori vozotenga zvakare mabhuku aya vachizvitengesera vega.

Iye anoti kambani yake inenge isina chainotora kubva kumunyori asi kuti inotosimudzira mabasa ake ichiisa zvinyorwa zvake pamusoro.

Sigauke, uyo anoburitsawo zvinyorwa zvevanyori vakasiyanasiyana mugwaronhau repadandemutande rinonzi "Munyori," anoti vachambotanga nekudhinda mabhuku ari mururimi rweChirungu, asi nekufamba kwenguva vachange vodhinda zvinyorwa zvinenge zviri mune mimwe mitauro kusanganisira yekuZimbabwe.

Hurukuro naVaEmmanuel Sigauke
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG