Accessibility links

Breaking News

Vadzidzisi Vanoti Hapana Chekupemberera paZuva Rekurumbidza Basa Ravo Pasi rose


Apo vadzidzisi munyika nhasi vabatana nevamwe kucherechedza zuva revadzidzisi pasi pose reWorld Teachers Days, vamwe varairidzi munyika vanoti havana chekufarira sezvo basa ravo risisina maturo nenyaya yemashandiro akadzikira pasi uye kutambaura kwavo nenyaya yemihoro mishoma yavanowana.

Vararidzi vataura neStudio 7 vanoti basa ravo rave renhando nenyaya dzekushandira mari shoma izvo zviri kuita kuti vanonge svosve nemuromo.

Mumwe mudzidzisi wepaChipangayi Primary kuMwenezi, VaTimothy Muringai,
vanoti kunyange basa ravo rakakosha mubudiriro yemunyika vanonyunyuta
kuti mari yavanotambiriswa haikwanisi kuriritira mhuri dzavo.

Vanoti nenyaya iyi vanhu munyika vave kuvaona sevanhu vasina maturo
nechiremerera.
Mumwe mudzidzisi wepaZaka Primary, VaEstone Mathews, vanoti kunze
kwenyaya dzemihoro vadzidzisi vanosangana nematambudziko akawanda
pabasa ravo.

Vanoti vadzidzisi mumaruwa vanodzidzisira mudzimba dzisina kuvakwa
zvakanaka.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vadzidzisi mumaruwa reAmlagamated Rural
Teachers Union kana kuti Artuz VaObert Masaraure vanoti dingindira
regore rino rekuti Transforming Education begins with Teachers harina
zvarinoreva kana mashandiro avo asina kuvandudzwa.

Vadzidzisi munyika vave kuwana mari inosvika mazana maviri emadhora
ekuAmerica neimwe mumdhora emunyika iyo yavanoti ishoma. Vanoti vanoda kuti vadzoserwe pamari yavaiwana mugore ra2017 yasvika mazana mashanu nemakumi mana emari yeku America $540.

Izvi zvatsinhirwa nemutungamiriri wesangano revakuru vezvikoro nevanovatevedzera, reZimbabwe National Union of School Heads(Zinush),

VaMunyaradzi Majoni, vachiti vadzidzisi vemunyika varikufira mafufu
segonzo.

Vadzidzisi vanoti mari inonyadzisa kana ichienzaniswa neye vadzidzisi vemunyika dzemuSADC avo vanotambira mari dzinotangira pamazana matanhatu $600 kusvika kuchuru chemari yekuAmerica $1000.

Hurumende inoti irikuzama kuvandudza hupenyu hwevadzidzi nezvirongwa
zvinoita kuti vaite basa ravo zvakanaka.

Mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi munyika, VaTaungana Ndoro, vati hurumende yabatana nepasi rose kuchechedza zuva iri ichitenda basa guru rinoita nevarairidzi rekudzidzisa nekuvaka nyika.

Vaenderera mberi vachiti bazi ravo riri kuzama kuvandudza mashandiro
evadzidzisi neraramo yavo kubudikidza nezvirongwa zvakawanda zvichaitwa nehurumende.

Asi vamwe varairidzi vanoti hurumende haina zvairi kuita zvinonekwa zvekuvandudza hupenyu hwavo sezvo iri kuramba kuvawedzera mari kusvika
pavanoda.

Vanoti hurumende yakavavimbisa kubhadharira vana vavo mari dzechikoro
asi nanhasi haisati yazviita.

Gurukota rebazi rezvemari munyika, vaMthuli Ncube vanogara vachibuda pachena kuti hurumende haina mari yekuwedzera vadzidzisi pamwe nevamwe vashandi vehurumende.

Mumashoko avo ekucherechedza zuva iri Artuz yati hurumende inofanira
kupa bazi rezvedzidzo zvika

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG