Accessibility links

Breaking News

Mbavha Dzoba Goridhe nePfuti kuBulawayo


How Mine Armed robbery

Pane mbavha dzange dzakapakatira zvombo dzinonzi dzaba goridhe rinodarika makirogiramu gumi nerimwe kana kuti 11, 9 kgs. Goridhe iri nderekambani yeHow Mine uye range richiendeswa kuBulawayo.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti mbhavha idzi dzange dziri gumi nenhatu. Mbavha idzi dzinonzi dzakwanisa kubvuta pfuti kubva kune vange vakachengetedza goridhe iri.

motokari yange yakatakura goridhe
motokari yange yakatakura goridhe

Pfuti dzabiwa dzinoti yemhando ye303 rifle, nediki kana kuti pistols mbiri. Goridhe range richiendeswa kuFidelity Gold Printers uye rinonzi nderemari inosvika zviuru mazana matanhatu nemakumi mashanu kana kuti US$650,000.

Mapurisa anyorawo padandemutande ravo reTwitter kuti mbavha idzi dzange dziine motokari nhatu dzinoti yemhando yeNissa NP300 registration number HR30XJGP, Toyota Hilux GD6 uye Nissan March.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG