Accessibility links

Breaking News

VaNcube Vokurudzirwa Kupa Bazi rezveHutano Mari Yakawanda muBhajeti


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Paramende nemusi weMuvhuro yakatanga misangano yekunzwa pfungwa dzeveruzhinji pabhajeti ra2023, vakawanda muHarare vachiti rinofanira kuendesa mari yakawanda kubazi rezvehutano, dzidzo, mvura nemagetsi pamwe nemabhazi.

Vachitaura pamusangano wekutanga muHarare wange wakarongwa nekomiti yeparamende inoona nezvebhajeti nemari, mumwe mugari wemuHarare VaCharles Kautare vakati bazi rezvemari rinofanira kuisa zvikamu makumi maviri kusvika pazvikamu makumi matatu kubva muzana zvebhajeti rese kubazi rehutano.

Amai Tendaishe Changamire vesangano rePopulation Service International vatsinhirawo mashoko aya vachiti hutano hwevanhu hwakakosha.

Vamwewo vakapinda mumusangano ndiaAmai Rosario Guvamombe avo vakati mari yakawanda mubhajaeti ra2023 ngaishandiswe kutenga mabhazi vachiti vanhu vari kutambudziko pakufamaba.

Vaaenderera mberi vachiti dambudziko remvura ratekeshera nenyika yese uye bazi rezvemari rinofanira kuisa mari yakawanda pakugadzirisa dambudziko iri.

Amai Lilian Gwanyanya avo vanorarama nehurema, vati hurumende ngaikoshesewo kodzero dzavo.

Vanoshanda nesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development VaDarlington Madzonga vati hurumende ngaikwidze mitero yemakambani kana kuti Corporate Tax yoderedza mitero inobatirwa vanhu vese yakaita seValue Added Tax.

Vakatiwo paramende inofanira kuona kuti bazi rezvemari ripa mapazi ese mari yekushandisa paine nguva vachiti hazvibatsiri kungoti pane bhajeti asi pasina mari dzinozopihwa mapazi acho.

Vakaenderera mberi vachiti havafare kuti paramende inozowedzera pabhajeti kana kuti supplementary budget isina kutaura neveruzhinji.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, vachishanda nesangano reLabour, Economic, Development and Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vati misangano iri kuitwa neparamende yakakosha chose kunyange hazvo bazi rezvemari risingatore zvese zvinotaurwa neveruzhinji.

Vatiwo Zimbabwe iri kusaririra kumashure pakuzadzikisa zvimwe zviga zvakabvumiranwa nenyika dzemuAfrica zvakaita seAbuja Declaration iyo inoti hurumende dzese dzemuAfrica dzinofanira kushandisa zvikamu gumi nezvishanu zvemabhajeti adzo panyaya dzehutano.

Sachigaro wekomiti iyi, Amai Chido Madiwa vakati vakafara kuti vanhu vakauya nehuwandu hwavo kumusangano uyu kusanganisira vechidiki nevanorarama nehurema.

Vakakurudzira veruzhinji mumaguta ese munyika umo muri kufamba zvikwata zvekomiti iyi kuti vaende kumisangano iyi vanopa pfungwa dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG