Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Gumiguru, 03, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Paramende nhasi yatanga misangano yekunzwa pfungwa dzeveruzhinji nezvebhajeti ra2023, vakawanda muHarare vachiti bhajeti iri rinofanira kupa mari yakawanda kubazi rezvehutano, dzidzo yepasi pamwe nemabasa ekuwanisa vanhu mvura nemagetsi pamwe nezvekufambisa.

Vamwe vakuru vemabhizimisi vari musangano reCEO Round Table kubva kuZimbabwevari kushanya muAmefrica kuzokwezva vemabhizimisi vekushanda navo munyika.

Zimbabwe International Book Fair, ZIBF, yegore rino yakasvika kumagumo nemusi weMugovera muHarare paine kurudziro kuvanyori kuti vazvitengesere mabhuku avo vega kuti vawane chouviri pabasa ravo.

Vemakerereke vokurudzira vechidiki kuti vasiyane nezvinodhaka sezvo vamwe vofa nekupenga nekuda kwekunwa nekuputa zvinodhaka izvi.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8pm nhasi, tiri kutarisa zviri kutaurwa nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika kuti apo nyika yatarisana nesarudzo dza2023 vanopikisa vave kumbunykidzwa zvakanyanya pachishandiswa mapurisa nematare.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG