Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Inosimbisa Hushasha Hwayo hweNhabvu muNyika Mushure meKurova Highlanders paMusha Payo


Murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza

FC Platinum yarova Highlanders pamusha payo uyezve pamberi pechaunga ndokusimbisa hushasha hwayo hwenhabvu munyika.

Kugona Kunenge Kudada yakunda 3-2 mumutambo wakwezva chaunga chinofadza panguva iyo veruzhinji vasisiri kuuya kumitambo nehuhwandu hwavo.

KuSakubva Stadium uko kwatambawo Dynamos neManica Diamonds, nhandare yanga yakazarawo zvekare.

Mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaJoseph Mutawu, vanoti vari kutenda vatsigiri ava nekupa nhabvu rutsigiro rwakasimba rwakadai.

Kukunda kwaita FC Platinum kwasiya yatungamira Chicken Inn nemapoinzi gumi mushure mekunge Chicken Inn yakarova Bulawayo City 3-0 nezuro.

Munyori wezvemutambo wenhabvu Admire Muhimeke anoti FC Platinum yatotora mukombe uyu.

Dynamos iyo yakunda 1-0 apo yashanyira Manica Diamonds kwaMutare, yaramba iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi makumi mashanu nematatu.

Asi mumwe wevatsigiri veDynamos, VaAmos Mupindu, vanoti chikwata chavo ave marwadzo mazuva ano mushure mekutadza kukwikwidza kutora mukombe.

Highlanders yadzikira kuenda pachinzvimbo chechishanu, yaswetukwa nepoindi imwechete neNgezi Platinum Stars, iyo yave nemapoinzi makumi mana nematanhatu.

Asi Caps United yazvirerutsira muhondo yayo yekurwira kuramba iri muPSL mushure mekurova Triangle 2-1 muNational Sports Stadium.

Ben Musaka asimudza nhandare yese apo akanda chibodzwa chakakosha ichi bhora rave kupera ndokupinza Caps United mumapoinzi makumi matatu nemana.

Caps United yave nemapoinzi mana pamusoro pe Harare City, iyo yakabata chinzvimbo chechina pazvikwata zvinofanira kubuda muligi.

Green Fuel, Simba Stars, Sheehan, neHwange, iyo yakabudirira nezuro, dzakatobudirira nechakare kutora nzvimbo yezvikwata zvina zvichabuda muPSL.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG