Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 28, 2022


Misoro yeNhau

Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda votaura pamberi pedare reparamende reRussia reDum vachiti Zimbabwe inotsigira Russia muhondo yayo neUkraine senyo nyika iyi yakadenhwa neNATO nekuda kudyidzana kwayo munyaya dzechiuto nenyika dzakapoteredza Russia.

Magwaro ekuti ndivanani variridzi vemakambani eBlinart Investment P/L neMid End Computers vari kupomerwa mhosva yekuda kuita huri, pakutengesera dare reparamende malaptops nemacomputers oshaikwa kuDeeds Office kunochengetwa magwaro emakambani ose.

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala nemumiriri weChitungwiza North VaGodfrey Sithole vokumbirazve dare kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso vachitiwo vachuchusi havasi kuvapa magwaro ekuti vakwanise kuzvidzivirira kan votongwa.

Ko dhora remunyika riri kusimba here? Tiri kutaura nenyanzvi nezve nyaya iyi.

Tine hurukuro naMuzvare Primerose Ruwocha avo vakadirwa muchetura weacid kumeseo nemurume wavo vakauya kuzorapwa muAmerica.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk, Diaspora Forum, tiri kutarisa matambudziko ari kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa zvine magwaro ekushanda eZimbabwe Exemption Permits ari kusvika kwamvura yacheka makumo muna Chikumi gore rinouya. Asi zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe izvi zvinoti zviri kushungurudzwa munyika iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG