Accessibility links

Breaking News

ZimStat Inoti Mari Inodiwa neMunhu Mumwe Chete paMwedzi Inokwira muMwedzi waGunyana Kusvika pa$27 298.00


Mari inodiwa nemunhu mumwechete pamwedzi yakakwira muna Gunyana.
Mari inodiwa nemunhu mumwechete pamwedzi yakakwira muna Gunyana.

Zimbabwe National Statistics Agency, Zimstat, yakazivisa svondo rino kuti mari inodiwa nemunhu mumwe chete kutenga zvekudya pamwe nezvimwe zvose zvinodiwa pamwedzi mumwedzi waGunyana yakakwira kusvika pa $27 298.00 kubva pa$26 298.00 mumadhora emunyika mumwedzi wa Nyamavhuvhu.

Izvi zviri kuuya panguva iyo ZimStas yakazivisawo kuti inflation yepamwedzi yakadzika zvakanyanya kusvika pazvikamu zvitatu nezviga zvishanu kubva muzana kana kuti 3.5 percent, ichibva pazvikamu gumi nezviviri zvine zviga zvina kubva muzana, kana kuti 12.4 percent.

Izvi zvinonzi nenyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, zvakakonzerwa nezvirongwa zvakadzikwa nehurumende zvekudzikamisa hupfumi hwenyika.

VaKuchera vanoti chakakwidzawo mari inodiwa nemunhu mumwechete pamwedzi mitengo yezvekudya, iyo vanoti iri kuramba ichikwira, kunyange hazvo isisiri kukwira sezvayaiita mumwedzi yadarika.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG