Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 27, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vamwe vagari vekuMasvingo vanoti kudzimwa kwemagetsi kuzvipatara kwave kupa kuti mitumba ikurumidze kuora mumochari zvopa kuti pawe nemunhuwi wakanyanya

Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Eric Keabetswe Masisi vanoti vachayedza kuti vataure nehurumende yeAmerica nezvekuti ibvise zvirango zvakatemerwa nyika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vadzokawo kumusha vachiti vari kufara kuti vatungamiri venyika dzemuAfrica gumi neimwe vakati zvirango zvavakatemerwa zvibiswe.

Vanhu vakawanda munyika vochema chema nekudhura kwave kuita makombi apo mapurisa ari kusunga vemushika shika.

Mumiriri weMutasa Central Mudare reparamende okurudzira mapurisa kuti aferefete zvakasimba zvakakonzdefra rufu rwemwana wechikoro wepaSt Mathias Tsonzo High, Livingstone Sunhwa akatsakatika muna Zvita 2021 akazowanikwa akafa gore rino mushure mekurohwa nemapurisa nevakuru vepachikoro ichi achipomerwa mhosva yekuba.

Muchirongwa chedu chevechidiki cheThe Connection na 8pm, tiri kutaura nezvakaburitswa nesangano reAfricabarometer zvekuti vechidiki vakawanda havasi kunyoresa kuvhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG