Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana 26, 2022


Misoro yeNhau

Vamwe vashandi vehurumende votanga kuramwa mabasa vachiti havasi kufara nemari dzemihoro dzakawedzerwa.

Komiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemari yotanga kubvunzurudza mabharani mukuru wedare iri VaKennedy Chokuda nezvehuwori hunonzi hwaida kuitwa pakutengwa kwemalaptops nemacomputers nedare iri,

Studio 7 yoita hurukuro nemutori wenhau Hopewell Chino’no uyo ange achishanya kuNew York, America.

Tichazeya nyaya yekuurayiwa kwezvizvarwa zveZimbabwe kuLimpopo, South Africa uko muzinda weZimbabwe wakatumira nhume.

Hurumende yopomerwa mhosva yekuvanza huwandu hwevana vari kufa nekurwara nechirwere chegwirikwiti mushure mekunge vana vanomwe vemhuri imwe chete vafa nechirwere ichi kuManicaland.

Vatsigiri veCaps United neDynamos vokurudzira kuti varairidzi vezvikwata zvavo vadzingwe basa.

Muchirongwa chedu chLiveTalk nhasi na8pm, tiri kutaura nezvekuratidzira kwange kuchiitwa nezvizvarwa zveZimbabwe kuNew York kumucheto wemusangano weUnited Nations General Assembly.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG