Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veDyanamos Vanoti Ndiraya Ngaasiye Basa


Tonderai Ndiraya
Tonderai Ndiraya

Chikwata cheDynamos nhasi chadonhedza mapoinzi akakosha muhondo yacho yekurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League. Mudhure memutambo uyu, vatsigiri veDynamos vabva vatanga kuratidzira vachiti murairidzi wechikwata ichi Tonderai Ndiraya asiye basa. Izvi zvinotevera kuburitswa kweDynamos mumakwikwi eChibuku Super Cup neFC Plattnum mwedzi wapera.

Dynamos yarohwa 1-0 ne Ngezi Platinum Stars ndokusiiwa zvakareba neFC Platinum mukurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

Chibodzwa chabva kuna Derrick Murimba chapa Madamburo kukunda nekutorera Dynamos mapoinzi ese matatu ayo Dembare yanga ichida zvakanyanya.

Kukundwa uku, kwasiya Dynamos yave pasi peFC Platinum nemapoinzi gumi nerimwechete mushure mekunge FC Platinum yacho, nezuro yakarova Bulawayo City 1-0.

Dynamos yasiiwa zvekare neChicken Inn, iyo ine mapoinzi makumi mashanu nerimwe chete, kwasara mitambo mitanhatu chete kuti makundano aya apere.

Mutsigiri weDynamos VaTakesure Muzanharwo havasi kunzwisisa kuti chii chaicho chirikuitika mukamba mavo mushure mekutadza mikana yakati wandei.

Highlanders ndiyo yave pachinzvimbo chechina nemapoinzi makumi mana nemashanu zvichitevera mangange e1-1 ayo yakaita neCranbourne Bullets nezuro.

Asi Herentals iyo iri kutevera Bosso nhasi yarohwa 1-0 neTriangle asi kaputeni wavo Brighton Majarira anoti havasi kuzoshandura maitiro avo nepavamire apa.

Bulawayo Chiefs yatorawo mapoinzi ese matatu akakosha apo yarova Manica Diamonds 1-0 muLuveve Stadium.

Kwapera mitambo yesvondo rino, zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi ….

Tenax. 25 points

Harare City 24 points

Bulawayo City 24 points

Hwahwa 20 points.

Zvichakadaro, chikwata chevanhukadzi chekiriketi chemaLady Chevrons chapedza chiri pachinhanho chechitatu kumaT20 World Cup Qualifiers ayo apera nhasi.

Zimbabwe nhasi yarova Thailand nemaranzi manomwe ndokusimbisa chinhanho chechitatu ichi pamakundano anga achiitirwa kuUnited Arab Emirates.

Chipo Mugeri-Tiripano ndiye adadisa nekukanda maranzi makumi matatu nemapfumbamwe kuti Zimbabwe isvika pamaranzi zana negumi nesere (118)

Thailand yakwanisa maranzi zana negumi nerimwechete chete (111).

Zimbabwe irikudzoka kumba yakunda mumitambo mitatu, nekurohwa mumitambo miviri pamitambo mishanu yavakatamba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG